Usangova baba vezita, chengeta vana vako

Tafadzwa Mutsotso

AMBUYA vakamhan’arira mukuwasha wavo kudare vachida kuti abhadhare $265 pamwedzi yekuchengeta vana vake vaviri. Anastancia Chinami akaendesa mukuwasha wake, Bernad Munango, kuHarare Civil Court achiti haazi kuriritira vana vake.“Ndiri kuda kuti mukuwasha uyu andipe $265 pamwedzi nekuti haana kana chaanoita kubvira kumukadzi wake. Mwana wangu, uyo anova mukadzi wake, haashande uye zvose zvaanodya ndezvangu.

“Izvozvo hazvindirwadze, asi ko vana vake ari kuti ndichengete futi here? Kuchikoro kwavo chaiko haakuzive kana mari yefizi haabhadhare,” vakadaro ambuya ava nezwi rine hasha.

Vanoti mukuwasha wavo anoshanda nekudaro hapana chikonzero chinoita kuti atadze kuchengeta mhuri yake.

“Anoshanda kuHoliday Inn. Chero zvazvo ndisingazive mari yaanotambira, asi ndine chivimbo chekuti haashandire mahara. Paari kudya ipapo ngaagovanewo nevana vake. Vangaita baba verudzii vanorasirira vana kunge mbudzi yengozi,” akadaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vazukuru vangu vanoda $140 yefizi nekuti mukuru wacho ari kuenda Form 1 anoda $95 yekuti anyorese, awane nzvimbo. Uyu mudiki ari kupuraimari anoda $45 patemu.” Vakati vakafunga zvekuenda kudare meshure mekuona kuti vatambura nekuchengeta vazukuru asi baba vavo varipo.

“Muchindiona ndasimuka kuuya kudare kudai, musanditi ambuya ava havana hunhu asi kuti kubva vana vake vachitanga kuzvarwa, ndini ndaivachengeta.

‘‘Zvino zvave kundiomera uyezve munhu haangangoite baba vezita asina chaanoita kuvana vake,” akadaro Chinami.

Munango akaudza dare kuti anokwanisa kubvisa $40 pamwedzi.

“Ini ndinoshanda kuHoliday Inn ndichihora $305. Ndakaroora, ndine vamwe vana vaviri vanodawo kuchengetwa saka $265 handiikwanise. ‘‘Mari yekurapisa vana haina basa, hatingaiverenge nekuti vana vangu vose ndakavanyoresa kumedical aid policy,” akadaro Munango.

Akaenderera mberi achiti pakazvarwa vana vemukadzi waanaye pari zvino kuchipatara kwakasara chikwereti chaachiri kubhadhara. Mutongi Sharon Rakafa akati Munango abhadhare $75 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *