Vabaiwa jekiseni reCovid vowanda

Tandayi Motsi

MAJEKISENI ekudzivirira Covid-19 anodarika 1 miriyoni kusvika pari zvino abaiwa kuvanhu muZimbabwe rinova danho guru apo nyika ino iri kushingairira kuti vakawanda vabaiwe nhomba yechirwere ichi nedonzvo rekuti pave nekuchengetedzeka kweupenyu kubva kudenda irori (herd immunity).

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weSvondo, vanhu 670 755 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira Covid-19 apo 341 218 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Izvi zvinoreva kuti pamwe chete, majekiseni 1 011 973 abaiwa kuvanhu muZimbabwe kubvira patanga chirongwa ichi.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 38 944 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 36 591 vakatopona asi vamwe 1 594 vakafa.

“Vanhu 3 969 vabaiwa majekiseni ekutanga nhasi (Svondo) zvabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga husvike 670 755 apo 5 539 vabaiwa echipiri zvabvawo zvaita kuti huwandu hwevaibawa epiri aya huende pa341 281,” rinodaro bazi iri.

Nerimwewo divi, vanhu 11 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa nemusi weSvondo uye hapana akafa pazuva irori.
Hurumende yakaisa padivi mari inosvika US$10 miriyoni yekutenga mushonga wemajekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo majekiseni 1,2 miriyoni eSinovac akatotengwa kare kubva kuChina.

Zimbabwe yakatambira zvakare mamwe majekiseni 400 000 eSinopharm akapihwa nyika ino nehurumende yeChina ne35 000 akabva kuhurumende yeIndia.

Pamusoro pezvo, mauto eZimbabwe Defence Forces (ZDF) nguva pfupi yadarika akapihwa mushonga wemajekiseni 100 000 eSinopharm neChinese People’s Liberation Army (PLA).

Chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19, icho chakatanga munaKukadzi gore rino, chine chinangwa chekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni aya nedonzvo rekuti nyika inge yakachengetedzeka kubva kudenda iri.

Zimbabwe iri kurumbidzwa zvikuru nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwekufambisa kwairi kuita chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×