Vechidiki nezvinodhaka

Abel Ndooka

SANGANO rakazvimirira reShifting your mindset riri kurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki sezvo dambudziko iri richikonzera kuti vamwe vavo vapare mhosva nekukanganisa ramangwana ravo.
Dambudziko revechidiki vari kutora zvinodhaka rakawedzera nguva yadarika apo nyika yaive pasi pechirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) sezvo vanhu vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba.

Izvi zvakaona vamwe vechidiki vachitanga kutora zvinodhaka zvisingatenderwe zvinosanganisira mutoriro kana kuti gukamakafela, musombodhiya, mbanje nezvimwe.

Chamangwiza wesangano reShifting your mindset — Mai Mutsa Makaka — vanoti kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki idambudziko guru.

“Upenyu hwevechidiki huri kukanganiswa zvikuru nekutora zvinodhaka zvisingaitenderwe. Saka donzvo redu kushanda kuvabatsira nekuvaratidza gwara chairo uye tovakurudzira kuti vasiye zvinodhaka.
“Sesangano, tiri kutenderera munzvimbo dzinosanganisira Mbare, Mabvuku-Tafara neEpworth tichidzidzisa vechidiki kuti vasiye kutora zvinodhaka,” vanodaro Mai Makaka.

Vanoti kunze kwaizvozvo, vari kudzidzisa zvakare vechidiki mabasa emaoko nechinangwa chekuti vawane zvekuita uye vosiyane nepfungwa yekutora zvinodhaka.

“Rimwe basa ratiri kuita kushanda tichikurudzira vechidiki kuti vashandise maoko avo kuti vazviwanire mari. Kungoswera vakagara ndiko kwakashata nekuti kunozokonzeresa kuti vatange kubatwa nepfungwa dzekutora zvinodhaka,” vanodaro Mai Makaka.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×