VaChisanyu vakagadzwa

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakagadza VaFriday Chisanyu sasachigaro wesangano reTraditional Medical Practioners Council (TMPC), iro rinoona nezvemashandiro en’anga nemaporofita munyika yose, zvikuru munyaya dzeutano.VaChisanyu ndivo zvakare mukuru wesangano rinoona nezvevarapi vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA).

Kugadzwa kwaVaChisanyu kunotevera ongororo yakaitwa nevebazi rezveutano nekurerwa kwevana nemamwe masangano anoona nezvevarapi vakadai zvikaonekwa kuti ndivo vakakodzera kutora chigaro ichi.

Mumashoko avo ekutambira chigaro ichi, VaChisanyu vanoti vanofara zvikuru nedanho iri.

Vanoti vachashanda nemazvo mukoona kuti kodzero dzevarapi vechivanhu nevemakereke nedzevarwere, dzacherechedzwa.

“Mubasa rangu idzva iri, ndichange ndichikotsvera masangano ose anomiririra varapi vechivanhu nevemakereke tichinzvera mashandiro avo kuti ari kuitwa negwara here pasina kutyorwa kwekodzero dzevarapi nevarapwa. Tichaona kuti munhu wose anozviti murapi anofanira kunge aine sangano raanoshanda raakanyoresa naro achipihwa magwaro ekushanda zviri pamutemo,” vanodaro.

VaChisanyu vanoti masangano anomiririra varapi vechivanhu nevemakereke anowaniswa magwaro ekushanda zviri pamutemo neTMPC kuti vange vachikwanisa kuzonyoresa nhengo dzavo zviri pamutemo.

“Chigaro ichi ndichange ndakachibata kwemakore matatu anotevera uye tichada kuona kuti taendesa vaongorori (health inspectors) mumatunhu ose ayo anofamba achiongorora mashandiro evarapi. Izvi tichazviita nekuti tiri kuona kuti dambudziko revarapi vemanyepo riri kuramba richikura munyika muno nekuti pose patinofamba, kunyangwe mumaguta, hazvichatyisi kuona vanhu vachinwiswa miteyo pachena asi nzvimbo dzacho dzinenge dziine huchapa, kusanganisira zvigubu zvinoiswa mishonga nekunobva mvura dzinosanganiswa nemishonga yacho,” vanodaro. Vanoenderera mberi vachiti: “Tinoda kuti Hurumende itiwanise masimba kuburikidza nemutemo kuti tinge tichikwanisa kusunga varapi vemanyepo vachitonomiswa pamberi pematare edzimhosva. Vanhu vakawanda vari kumbunyikidzwa kodzero dzavo nenzira yechibharo, kubirwa mari nezvipfuyo zvavo zvinokosha, kupumhwa huroyi nekukandirwa nyoka nemazizi mudzimba zvemanyepo kana kutorasikirwa neupenyu apo vanonwiswa miteyo asi nyaya idzi dzisisamhan’arwe. Tinodawo chengetedzo (herbal authority) kuti mishonga yedu isabiwe nevanozviti vane ruzivo.”

Pasi pemutemo wenyika, imhosva huru kuti n’anga kana muporofita aiite zvehutsikamutanda. VaChisanyu vanoti hofisi yavo ichange ichionawo kuti varapi vechivanhu nevemakereke vari kuita basa ravo nechido.

Zvakadai, VaChisanyu vanoti vari kutarisira kuzovhura chikoro chinodzidzisa varapi vechivanhu nevemakereke mabatirwo akanaka evarwere vakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana munguva pfupi inotevera.

Vanoti zvisinei nebasa guru riri kuitwa nesangano reTMPC rekudzidzisa varapi vechivanhu nevemakereke mumatunhu akasiyana, pachine mukaha mukuru panyaya dzekunyoreswa zviri pamutemo kwevarapi ava.

Vanotizve varapi vanodarika 60 000 vari kushanda zvisiri pamutemo munyika yose.

“Handisi kuzoremerwa nebasa nekuti ndiri munhu agara achishanda nevarapi vechivanhu nevemakereke kusangano randinotungamirira reZimbabwe National Practitioners Association uye iniwo ndiri murapi wechivanhu, saka hapana chitsva. Ndiri munhu anoziva nhuna dzevanhu saka ndiripo pakugadzirisa zvinetswa,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *