Vahosi voguswa vhudzi nebanga

Natalie Chasiya
MUKADZI wekugerwa vhudzi rake mumusoro neshamwarikadzi yemurume wake mushure mekunge vatosvorana akazokwidza nyaya iyi kudare redzimhosva. Paidamoyo Sithole akaendesa Grace Mukabeta kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo. Akaudza mutongi wedare iri, Gamuchirai Siwardi, kuti: “Mukabeta anouya kumba kana achiziva kuti murume wangu aenda kubasa kana kuti afamba, ondirova nekundituka. Rimwe zuva akandicheka vhudzi rangu nebanga remumba mangu.”

Sithole akaenderera mberi achiti Mukabeta anomushungurudza izvo zvakazoita kuti mapurisa amuti atsvage gwaro rerunyararo kumatare edzimhosva.

“Shamwarikadzi yemurume wangu iyi yaiuya kumba payadira zvikazoita kuti nditizire kumapurisa ayo akanditi ndizotsvaga gwaro rerunyararo. Ndiko kusaka ndapotera kuno kudare kuti ndidzivirirwe,” akadaro Sithole.

Mukabeta haana kuenda kudare kuti anopa divi rake panyaya iyi. Mutongi Siwardi akapa gwaro rerunyararo kuna Sithole.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *