Vakaona maWarriors mahara

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vane chitsama nemusi weChishanu chadarika vakaona bhora remaWarriors neBotswana reAfcon Qualifier kuNational Sports Stadium “mahara’’ sezvo vaingosvetuka mudhuri vachipinda munhandare iyi apo mapurisa eZimbabwe Republic Police aive akayeva.

Mubhadharo wekupinda munhandare yeNSS waive $20 kubhombera, kugara paBay 15 kusvika ku18 kwaiita $50 kozoti kuVIP kwaita $120.

Asi kune vamwe – vanhurume nevanhukadzi –  vakapinda mahara apo vaisvetuka mudhuri vachipinda mukati menhandare.

Kwayedza yakazvionera vamwe vatsigiri venhabvu vachisvetuka mudhuri vachipinda munhandare iyi uye mamwe mapurisa aitonzwikwa achikurudzira vatsigiri ava achiti, “Svetukai nekuchimbidza”.

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti imhosva huru kana mapurisa akatyora mutemo nekusaita basa ravo nemazvo zvakadai sekupihwa chiokomuhomwe vachisiya munhu achipara mhosva.

Vanoti pachaferefetwa nyaya yemapurisa ari kupomerwa kuti aisiya vanhu vachisvetuka mudhuri vachipinda munhandare yeNSS nenzira dzechitsotsi.

“Imhosva huru iyoyo uye hatitombozvitendere, kana paine vaizviita tichavatsvaga uye vakabatwa mutongo wavanopihwa wakakura zvekusvika pakudzingwa basa.

“Hatitarisire mapurisa edu kuita izvozvo zvekupinza vanhu munhandare mahara ivo vachifanirwa kuchengetedza kuona kuti vanhu havasi kupinda mahara uye hatitode kunzwa kuti pane vari kutambira chiokomuhomwe kuti vanhu vatyore mutemo. Isu semapurisa, hatidi hunhu ihoho,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mutauriri wesangano reZifa uyo anovazve competitions manager, Xolisani Gwesela, paakaziviswa nezvenyaya iyi neKwayedza musi watambwa mutambo uyu akangoti anoda kurakidzwa mifananidzo yacho iyo akarakidzwa nemutori wenhau uno asi ndokungoridza tsamwa achirakidza kushamisika nazvo.

Svondo rino, Kwayedza yakazomutumira mibvunzo paWhatsApp ichibvumunzisisa kuti Zifa yakawana marii kubva pamutambo weZimbabwe neBotswana, Gwesela ndokuti vachiri kumboongorora kuti vakawana marii.

Paakabvunzwa nezvenyaya yemapurisa ayo aisiya vanhu vachipinda munhandare mahara, Gwesela anoti akange asina kuona mifananidzo yacho zvakanaka saka anoda kuti munyori uno amutumire.

“Tichiri kuongorora kuti tione kuti zvakafamba sei.

“Mubvunzo wechipiri, tangai manditumira mifananidzo yacho, handinda kuiona zvakanaka,” anodaro Gwesela.

Mumutambo uyu, Zimbabwe neBotswana zvakaita mangange 0-0 izvo zvakasiya vatsigiri vazhinji vemaWarriors vachigunun’una zvikuru.

Zvakadai, mumutambo wakatambirwa kuLusaka, kuZambia nemusi weChipiri chino, Zimbabwe yakakunda Zambia 2 – 1.

MaWarriors ari muGroup H umo mune zvimwe zvikwata zvinosanganisira Algeria, Zambia neBotswana.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×