Vakavhenekwa gomarara

Muchaneta Chimuka

BHANGA reEcobank riri kubatsira veruzhinji kuburikidza nekuita mabasa ekudzorera kunharaunda dzarinoshandira uye nguva pfupi yadarika rakayamura vagari vekuBudiriro, muHarare, nezvirongwa zvekusimudzira utano hwavo. Vagari veuku vakavhenekwa zvirwere zvisingatapuriranwe seBP, gomarara, mwoyo neshuga.

Vachitaura pachirongwa ichi paBudiriro 2 High, VaMoses Kurenjekwa vanova managing director weEcobank – mumashoko avakaverengerwa naVaFrank Karara vanova head of operations and technology kubhanga iri – vanoti zvakakosha kudzorera kunharaunda dzavanodyidzana nadzo.

“Mumwedzi waGumiguru woga-woga, tinosarudza musi watinocherechedza zuva reEcobank Day. Tinocherechedza zuva iri munyika 35 dziri muAfrica umo tinoitira mabhizimusi tichicherechedza nyaya dzeutano.

“Gore rino, tasarudza kutsigira vagari vemuBudiriro nekuvapa mikana yekuti vavhenekwe zvirwere zvisingatapuriranwe. Zvirwere zvemhando iyi zvinouraya vanhu chinyararire kana zvikanonoka kuvhenekwa pamwe nekurapwa,” vanodaro.

Vanoti chinorwadza ndechekuti zvirwere izvi zviri kunyanya kubata vanhu vane makore anobvira pa29 kusvika 45 eku berekwa avo vanova vanotarisirwa kunge vachishandira nyika.“Kana vanhu vakadzidziswa nezveutano, vanokwanisa kutora matanho kwawo ekuzvichengetedza. Tafamba tichifundisa vanhu maringe nenyaya dzeutano uye nekuti vasandure raramo yavo inosanganisira nyaya dzekuziva mhando dzechikafu nekuita mitambo inosimbisa miviri, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Senzira yekucherechedza mwedzi wekurwisa chirwere chegomarara, bhanga iri rakafundisawo vanhu nezvedenda irori.

Dr Cletos Masiya, vanova mukuru uye muridzi weRapha Medical Health Care, vanokurudzira veruzhinji kuti vavhenekwe gomarara uye kukurumidza kunoona machiremba kana vaine fungidziro yechirwere ichi.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kudzivirira zvirwere zvisingatapuriranwe munyika dziri muAfrica”.

Sister Anna Gwara vanova Sister-in-Charge paBudiriro 5 Satellite Clinic vakatambidzwa michina yekuvheneka zvirwere zveshuga neBP naVaKarara mushure mekuona kuti zvipatara zvizhinji nemakiriniki zviri kushanda zvisina michina inokosha iyi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×