Vamwene nemuroora votosvorana

Nyasha Bvudzijena

VAMWENE vakaendesa muroora wavo kudare vachiti ari kuvafurufusha pamba pavo uye kana atanga kupopota, anoita semunhu asvikirwa nemweya wengozi.

Catherine Murinda akamhan’arira Zvisinei Mapindu kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza izvo zvave kukanganisa utano hwake nekudaro anoda kuti abve pamba pake pamwe chete nemurume wake.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Murinda gwaro redziviriro uye ndokuti Mapindu anofanira kubva pamba pavamwene vake mukati memazuva mashanu.

“Mukadzi uyu ndakamutambira semwana ndikagara naye kwemakore akaita vana vatatu asi mushure mekunge murume wangu ashaika, akatanga kundituka uye ari kutonditonga pamba pangu,” anodaro Murinda.

Anoti muroora wake anorova vana uye kana ava kupopota, anoita SEkunge agarwa nemweya wakaipa.

Murinda anoti akamboedza kugara nemuroora wake pasi asi hazvina zvazvakabatsira.

Anoti anoda kuti Mapindu nemurume wake vabve pamba pake.

Mapindu anoti haana dambudziko navamwene vake sezvo ari munhu akanaka asi kuti anonetsana nehanzvadzi yemurume wake .

“Isu tiri vaviri hatina dambudziko asi chanetsa nditete vanouya vachindituka vachiti ndiri muroyi, ndiri kukonzera kurwara kwaamai zvinozoita kuti titukane.

“Hazvigoni kuti ndibve pamba nekuti ndinotya kuti murume wangu anozonditiza tave kugara kwedu sezvo tinenge tava kure naamai,” anodaro Mapindu.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *