Vana vogadzira jamhu kuchikoro

Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheSt Angela chiri kuBorrowdale,muHarare,chinoti chinoda kubura vana vonokwanisa kushanda mabasa emaoko uye kuzvitangira mabhizumusi avo.Mamwe mabhindauko ari kudzidziswa vana vepachikoro  ichi anosanganisira kugadzira jamhu (jam) kubva mumaremani, maranjisi neshuga.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Margaret Bhowa, vanoti kushanduka kuri kuita mamiriro nemafambiro eupfumi pasi rose — kusanganisira muZimbabwe — kunoda kuti veruzhinji vatange mabhizimusi akanangana nekupedza matambudziko ari kusangana nevanhu muzvikamu zveupfumi zvakasiyana-siyana.

“Sechikoro, tine shuviro netarisiro yekuti indaisitiri yemuZimbabwe isimuke uye kuti ifambe zvakanaka kuburikidza nenyanzvi kubva muzvikoro.

“Isu chinangwa chedu kudzidzisa vana kuti vakwanise kuzviitira mabasa emaoko vachizozvitangira makambani avo zvinova zvinosimudzira indasitiri munyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kudzidzisa kwatiri kuita vana kugadzira jam ndeimwe yenzira yemabasa emaoko anounza mari uye tiri kutarisira kuti huwandu hwejamhu ratiri kugadzira huchakura.

“Zvimwe zvatiri kutarisira kuita zvinosanganisira kugadzira mishonga inoshandiswa pakuwacha hembe, sipo dzekusukisa ndiro nezvimwe.”

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *