‘Vanamati ngwarirai kurozvwa nevanyengeri’

Malven Mugadzikwa
VANAMATI voyambirwa kuti vangwarire kunyengedzwa nemamwe maporofita nevatungamiriri vemachechi avo vasinei nekuparidza shoko raMwari sezvo vaine chinangwa chekutsvaga mari chete yekuti vazvipfumise. Yambiro iyi yakaitwa nemuimbi wenziyo dzechitendero Zet Mundhluri anotsikisa ari kuSouth Africa uyo achangobura dambarefu rake idzva rinonzi Fullness of Time.

Muimbi uyu akambonetsa nekambo kanonzi Ndine Zvandakaona.

“Dambarefu rangu idzva rine kambo kane dzidziso yakadzama chaizvo maererano nehupenyu hwatiri kurarama mazuvano panyaya dzechinamato. Vazhinji vari kurasika vasingazivi nekuda kwevamwe vafundisi vari kunyuka nevakuru vemachechi vanenge vachiita mabasa akaipa zvisingazivikanwi nevanamati vavanotungamirira,” anodaro Mundhluri.

Mundhluri anoti vanamati vanofanira kuverenga bhaibheri kuitira kuti vaone kana dzidziso pamwe nemharidzo yavanenge vachiudzwa nevamwe vatungamiriri vemachechi avo kuti inoenderana here neshoko raMwari.

“Handipo pakutonga vanhu asi ndinoziva kuti kunze uko kune vamwe vafundisi nevatungamiri vemachechi vari kunyepera nekunyengedza vanhu nenzira dzakasiyana vachishandisa zita raMwari vachidya mari dzevanhu. Yambiro yangu kune veruzhinji ndeyekuti vanofanira kungwarira vakadai pose pavanenge vachitaura nekubatsirwa nekuti kune vamwe vanouya vachiita sevanoda kubatsira vachinyepera,” anodaro.

“Padambarefu rangu idzva iri pane kambo kanonzi Kune vakasara. Kambo aka kanotsanangura kuti kune vakasara vari kunamata Mwari chaiye asi vamwe vakakwezvwa nevafundisi nevatungamiriri vasiri pachokwadi,” anodaro. Mundhluri anoti padambarefu rake iri pane kamwe kambo zvakare kanonzi Nyika yeZimbabwe ako kanorumbidza kunaka kwenyika ino nezvose zviri mairi.

“Tiri kubatsirikawo zvakasimba nekuti chero KuSouth Africa tiri kuita mashoo tichishumirira nekutandadza vari kuno. Tiri kutambirwa zvakasimba munyika mbiri idzi. Mashoo aya ndiri kumaita nevamwe vaimbi vanoimba nziyo dzechitenderro vakaita sanaRev (Togarepi) T T Chivaviro nevamwe,” anodaro Mundhluri

“Ndinoimba zvechitendero nekuti pane hushumiri hwakaiswa naShe pandiri hwekuparidza shoko rake nekuimba saka ndinoti ndiMwari vakaisa mweya wavo mandiri kuti ndiimbe. Baba (Charles) Charamba namushakabvu Brian Sibalo ndivo vakandipa manyukunyuku ekuti ndiimbe sezvandiri kuita nhasi uno.”

Mundhluri anoti parizvino ane dambarefu raari kugadzira raanotarisira kuti rinoburwa kutanga kwegore rinouya uye richange rakawedzerwa hudobi-dobi. Muimbi uyu anoti ari kukwenenzvera tarenda rake kuburikidza nekuita zvidzidzo zvezvechitendero zveTheology kuSouth Africa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×