Vanhu 13 vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe

Patrick Shamba – MUPEPETI
ZIMBABWE yava nevanhu gumi nevatatu (13) vawanikwa vaine chirwere chatekeshera pasi rose cheCovid-19.
weChishanu uno, vanhurume vaviri — vose vane makore 21 okuberekwa uye vose vachangobva mukubvakachira nyika yeUnited Kingdom (UK) – vakawanikwa vaine chirwere chabata vanhu vanodarika 1.5 miriyoni ndokuuraya vamwe 100 000 pasi rose ichi.

MuZimbabwe Covid-19 yauraya vanhu vatatu – vose vanhurume.

Mumashoko aro epazuva ari pamusiro pechirwere chisati chawanirwa mushonga unochirapa ichi, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti: “Nhasi (Chishanu) chikamu cheNational Microbiology Reference Laboritory chaita ongororo kuvanhu 25. Vaviri vavo vawanikwa vaine Covid-19.

“Izvi zvinoreva kuti muZimbabwe mawanikwa vanhu 13 avo vaongororwa kuti vane Covid-19, kusanganisira vatatu vavo vakashaya.”

Kusvika pari zvino, bazi rezveutano raongorora vanhu 463, apo 13 vawanikwa vaine Covid-19 kuchiti 450 vasina.

Nzvimbo dzawanikwa vanhu vane Covid-19 ndedzinoti Harare varwere 7 apo vaviri vakatofa, Bulawayo murwere mumwe chete uyo akashaya, Mashonaland East (4 vose vapenyu), Victoria Fall murwere mumwe chete uyo anova mupenyu.

Vashanu vevanhu 13 vabatwa vaine Civid-19 vanonzi vakadzoka muno vachibva kuUnited Kingdom nguva pfupi yadarika, vaviri vakabva kuUnited States, mumwe chete – uyo anonzi akatapurirawo vamwe vatatu pavarwere ava – akabva kuDubai.

Mumwe wevakabva kuUnited States anonzi ndiye akatapurira murwere mumwe chete kuchiti wekushaika wekuBilawayo haana nhoroondo yekunge ambobuda kunze kwenyika kunze kwekumbobvakachira kuHwange.

Bazi rezveutano rinoramba richiyeuchidza veruzhinji kuti nzira dzakakoshesesa pakudzivirira chirwere cheCovid-19 hutsanana uye kukoshesa nyaya yekugara vanhu vasiri chitsokotsoko asi vari kure nekure (social dustancing).

Nhare dzemahara dzebazi iri dzinoti 2019.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×