‘Vanhukadzi pindai muWrestling’

Daphne Machiri —
SANGANO reZimbabwe Wrestling Federation rokurudzira vanhukadzi kuti vapinde mumutambo uyu wemhandamatsipa richiti kunze kwekugwinyisa muviri, vamwe vanokwanisa kuwana raramo kubva mauri.

Mutevedzeri wemukuru wesangano iri, Tapiwa Ray Masinire, anoti zvakakosha kuti vanhukadzi vave nechido nemutambo uyu.

“Mutambo uyu haunei nezera kana ruvako rwemuviri.

“Isu tiri kuona zvakakosha kuramba tichiusimudzira nekuumutsiridza, zvikuru kuvanhukadzi sezvo tichida kuvapa mikana yakaenzana nevanhurume,” anodaro Masinire.

Anoenderera mberi achiti, “Tine tarisiro yekuramba tichisimudzira mutambo uyu tichishanda pamwe chete neavo vaunotsigira. Iye zvino tiri mushishi yekugadzirira kuenda kumakwikwi atakakokwa seZimbabwe Wrestling Federation kuEastern Gauteng Benon Johannesburg Open Champions. Kuchange kuine nyika dzinosanganisira Germany neUnited States of America kubva musi waKukadzi 16 kusvika 18,” anodaro Masinire.

Anoti kana vakakunda kuSouth Africa, zvichavapa mukana wekupinda mumakwikwi e2017 Paris World Champions muna Nyamavhuvhu gore rino.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *