Vanhukadzi vanoda mukana: Ndlovu

BAZI rinoona nezvekushanyirwa kwenyika rinoti riri kutora matanho anoita kuti vanhukadzi vakwanise kupinda mubhizimusi rezvekushanyirwa nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Cde Anastancia Ndlovu, pamusangano wezvekushanyirana pakati penyika dziri mudunhu reSadc, weRegional Tourism Organisation of Southern Africa (RETOSA) uyo wakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

“Isu seHurumende tichaita kuti pave nemitemo yekuti vanhukadzi vave nemikana yekupinda mumabhizimisi ane chekuita nekushanyirwa kwenyika. Vanhukadzi vashoma mudunhu reSadc avo vari kuwanikwa vachiita zvemabhizimisi ari pamusoro pezvekushanyirwa kwenyika,” vanodaro Cde Ndlovu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Isu senyika yeZimbabwe zvatipa simba rekuti kubudikidza neHurumende, tive tinokumikidza mitemo ichasimudzira vanhukadzi nekuvapa mikana yekuita mabhizimisi nemabhindauko ayo anotsigira chikamu chezvekushanyirwa chenyika.”

Matanho aya, vanodaro Cde Ndlovu, anobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika pamwe nekuzadzisa chishuwo chevanhukadzi mukuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanhurume munyaya dzemabhizimisi.

“Zvimwe zvinovhiringidza vanhukadzi inyaya dzekutarisirwa pasi zvakare nemafungiro evamwe vevanhu munharaunda dzavagere ekungoti munhukadzi haana simba, haakwanise kuita zvinoitwa nevanhurume.

“Kwete, handizvo. Munhukadzi ngaapihwe mukana nesimba rekupinda mune zvemabhizimisi nekusimudzira nyika.

‘‘Siyai vanhukadzi varatidze matarenda avo, tikadaro tinosvika kure,” vanodaro Cde Ndlovu.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *