‘Vanhukadzi zivai kodzero dzenyu’

ZVAKAKOSHA kuti vanhukadzi vave neruzivo ruzere pamusoro pekodzero dzavo sezvo vamwe vari kumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana nekuda kwekusaziva.Mashoko aya akataurwa nakomishina weboka rinoona nezve kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, reGender Commission, Mai Margaret Mukahanana-Sangwarwe. Vakataura izvi pamusangano weZimbabwe Gender Commission All Stakeholders Conference uyo wakaitwa muHarare nguva ichangopfuura.

Musangano uyu wakaitwa panguva iyo nyika iri kucherechedza mazuva 16 ekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi.

“Gender Commission ichange ichiferefeta nekudonongodza nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, kodzero dzavo, kutambirwa kwezvichemo zvevanhukadzi kana vachinge vachida rubatsiro rwakasiyana.

“Tichange tichiona zvakare kuti kumatare vanhukadzi vabatsirwa here nekuti vakadzi vazive mitemo nekodzero dzavo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vamwe vanhukadzi mudzimba umu vari kusangana nematambudziko ekunyengetedzwa kana kutyisidzirwa kubvisa nyaya dzavanenge vamhan’ara kumapurisa nekumatare edzimhosva, zvikuru nehama dzevarume vavo.

Vamwe vanotya kuti murume akazosungwa anosara achichengeta vana ndiani. Saka tinoti vanhukadzi ngatisatyei, kana mhosva yaparwa ngaimhan’arwe.”

Vanotizve masangano akazvimirira anofanirwa kubatana mukudzivirira kushungurudzwa kwevanhukadzi.

“Tichashanda pamwe chete nemasangano akazvimirira mukusimudzira vanhukadzi asi vanhurume vanofanirwa kunge varipowo. Vanhukadzi ndivo vanobatanidza mhuri, naizvozvo ngativapei mukana wekuti varatidze mabasa avo nerudo rwavo,” vanodaro Mai Mukuhanana-Sangarwe.

Vanoti kune vamwe vanhukadzi vari kushungurudzwa mushure mekufa kwevarume vavo kuburikidza nekutorerwa upfumi nezvimwe.

“Mamwe matambudziko anobuda kana madzimai afirwa, vana vanotambudzikawo nekuda kwehama dzinotora midziyo neupfumi. Naizvozvo vanhukadzi vanofanirwa kuve neruzivo kuti vawane midziyo uye vakwanise kuve nekodzero paupfumi uhu. Izvi ndizvo zvatichange tichijekesa,” vanodaro Mukahanana-Sangarwe.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, United Nations Development Programme (UNDP) country director, Muzvare Verity Nyagah, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vave nemikana yakaenzana nevanhurume muzvikamu zvakasiyana sekumabasa.

“Zvinhu zvinofadza chose kuti nyika dzive nemabandiko akaita seGender Commission, zvichireva kuti vanhukadzi vawana pekuzembera mune zvose zvinovashungurudza uye nekupihwa njere nemazano eraramo,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *