Varairidzi vevechidiki vodzidziswa

VARAIRIDZI venhabvu vanosvika 20 kubva kuzvikwata zvevechidiki zvakasiyana vachasangana kuBulawayo svondo rinotevera kutanga musi waZvita 3 kusvika 7 apo vachange vachiitiswa zvidzidzo zveFifa -Cosafa Coaching Course izvo zvakananga kuvandudza mashandiro avo.

Mukushi wemashoko kusangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa), Xolisani Gwesela, anoti zvidzidzo izvi zvakakosha zvikuru sezvo zvichazobatsira varairidzi ava kuti vagoshanda zvakasimba mukusimudzira tarenda revatambi venhabvu vachiri kusimukira.

Gwesela anoti zvidzidzo izvi zvichange zvichiitiswa nenhengo dzeFifa.

“Pachaitwa musangano svondo rinotevera uyo uchaona varairidzi venhabvu 20 kubva kuzvikwata zvakasiyana vachisangana kuBulawayo uko vachaitiswa zvidzidzo zveFifa-Cosafa Coaching Course.

“Isu tiri kukoshesa nhabvu yevechidiki, zvidzidzo zvakadai tinozviona zvakanaka zvikuru saka kana varairidzi ava vapedza tinotarisira kuti vanoshanda zvakasimba vachivaka vatambi vechidiki avo vari kusimukira mumutambo uyu,” akadaro Gwesela.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×