‘Varume muchinyanyawo’

DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dziri kushora mukadzi wekuBorrowdale, muHarare, uyo ari kuti akapihwa mhiko nen’anga yekuMozambique yekuti aite mari kuburikidza nekutora mbeu yevarume vaanenge asasana navo, iyo anoisa mukadende ichizodyiwa nezvidhoma.Mbuya Marita Ried (64) vekuZinatha vanoti kuromba kwemhando iyi hakuna kunaka sezvo kuchiguma kwakanganisa utano pamwe neupenyu hwevarume vane mbeu inenge yatorwa.

“Kumudzimai uyu, ndinoti mazvokuda mavanga enyora. Asi varume vari kutorerwa mbeu yavo ichinodyiswa zvidhoma vanoda kubatsirwa. Saka muchizoona vamwe vasisakwanise kusasana nemadzimai avo, vanogadzirwa nevanhu vakadai ava,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ivo varume ngavadzikamewo, vakasada kudarikwa nemarokwe vanosangana nazvo saizvozvi. Kune varume vanongopoya-poya hezvoka!

“Kupihwa kunoitwa zvinonzi zvidhoma izvi mbeu yevarume zvichinodya zvinogona kuita kuti varume vacho vozongoondoroka voshaya kuziva kuti chii.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *