Vopura mari nenguruve

Kingstone Mapupu

MHURI yekumindamirefu yeYorkshire 11, kuHeadlands, kudunhu reManicaland iri kupunduka nebhindauko rekupfuya nguruve ichitengesa iro raisimudzira zvikuru pakurarama kwayo.
Mai Monica Mudhara (42) vanoti basa rekupfuya nguruve rine mikana mikuru yekuunza mari yakawanda kudarika mamwe mabhindauko angaitwe nemurimi pamusha.

“Takatangisa basa rekupfuya nguruve gore rakapera taonawo kune vamwe varimi vemuno vanoita mari yakawanda nebasa irori.
“Izvozvi tine nguruve 30 dzatinotarisira kuti dzichawanda munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Mai Mudhara.

Vanoti vane bhucha kuHeadlands kwavanopota vachiendesa nyama yenguruve dzavanouraya uyewo dzimwe dzacho vachitengesa dziri mhenyu.

Mwanakomana wavo, Tarisai Mudhara (19), ari kuenda kuchikoro achiita mabasa ekurima zvakare.
Tarisai anoti munhu anofarira zvekurima kubvira mumabasa emuminda nekupfuya zvipfuyo.

“Izvozvi ndine munda wandakapihwa nevabereki vangu watakarima chibage, maringazuva nesoya bhinzi izvo tinozogaisa kugadzira kudya kwenguruve dzedu. Nguva dzose, ndinoona kuti nguruve dzedu dzawana mvura yakachena nekugezawo matanga nekudzigeza nekuti hadzidi hutsvina,” anodaro Tarisai.
Mhuri iyi inochengetawo matoki, huku dzechivanhu, mbudzi, hwai nemombe.

“Dambudziko ratinaro nderemvura sezvo munda wedu wakakura mahekita mashanu uchingova matombo nekudaro pekuchera matsime akadzika panonetsa. Saka tiri kutotsvaga mari yekuti ticherese chibhorani.

“Pari zvino mvura tinotora pakasipiti kari munzvimbo yedu,” anodaro Tarisai.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×