Warriors: Toringepi?. . . Zim inoda murairidzi wekupi?

Abel Ndooka
KUBURITSWA kwakaitwa maWarriors muboka rawo kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) uyo uri kutambirwa kuGabon kwamutsa makakatanwa makuru pamusoro pevarairidzi vanokodzera kutungamira chikwata ichi apo vamwe vari kuti panofanira kugadzwa murairidzi anobva kunze kwenyika.

Kune vamwe vatsigiri pamwe nevaongorori venhabvu vari kuti basa rekurairidza maWarriors – iro parizvino rina Kalisto Pasuwa – rinofanirwa kupihwa murairidzi wekunze, angave wekuEurope kana wekune imwe nyika.

Asi muongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino ichatarisa varairidzi vakambogadzwa pachigaro chinopisa ichi, inotaridza kuti vamwe vekunze vanosanganisira Reinhard Fabisch, Klaus-Dieter Pagels, Rudi Gutendorf, Jose ‘Valinhos’ Claudinei naTom Saintfiet vose vakakundikana kuenda kumutambo weAfcon neWorld Cup. Muongororo iyi, Kwayedza yakaona zvakare kuti kunyangwe zvazvo varairidzi vemuno dzimwe nguva vachibatirirwa vasingatambiriswe mari yavo nenguva, ndivo vakwanisa kutungamira maWarriors kuenda kuAfcon kunyangwe hazvo vamwe vange vachikundikana kuenda kuWorld Cup.

Munhorondo yenhabvu yemuZimbabwe, maWarriors akabudirira kuenda kuAfcon katatu apo airairidzwa nezvizvarwa zvemuno zvinoti Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa, Charles Muhlauri naPasuwa.

Chidzambwa naMuhlauri vakabudirira kuenda nemaWarriors kuAfcon asi ndokukundikana kuenda kuWorld Cup. Kozotiwo Pasuwa akabudirira kuenda kuAfcon chete, haana kuwaniswa mukana wekurwira kuenda kuWorld Cup ya2018 sezvo Zimbabwe yakaburitswa mumutambo uyu yakundikana kubhadhara chikwereti chaValinhos uyo akarairidza maWarriors apo airwira kuenda kuAfcon ya2010 neWorld Cup 2010.

Kunyangwe hazvo vamwe vatsigiri venhabvu pamwe nevaongorori vemutambo uyu vaine pfungwa dzekuti murairidzi wekunze kwenyika agadzwe pachigaro chinopisa ichi – nemamiriro akaita zvinhu munyika muno – anodhura kumubhadhara uye vakawanda vavo vakambopihwa basa iri vakarikoniwa.

Vamwe vakaita saFabisch panguva yake maWarriors akatamba nhabvu yaidakadza apo chikwata chake chainzi ‘The Dream Team’ chakapotsa nepadiki kubudirira kuenda kumutambo we1994 World Cup neAfcon.

Zvakadai, apo paakazodzingwa basa apokana neZifa, Fabisch aifarirwa zvikuru nevatsigiri vemuno sezvo chikwata chake chaitamba nhabvu yainwisa mvura chiine vatambi vakaita saFrancis Shonhayi, Peter Ndlovu, Benjamin Konjera, Bruce Grobbleaar, Adam Ndlovu, Vitalis ‘Digital’ Takawira naRahman Gumbo. Chikwata ichi chaitarisirwa zvikuru nevatsigiri kuenda kure asi chakakundikana kubudirira kuenda kumitambo mikuru zvekuti vamwe vatambi vacho vakaita saGrobbleaar – uyo aive nemukurumbira pasi rose nematambiro aaita nhabvu kuLiverpool yekuEngland – vakasvika pakuseneka shangu dzavo dzenhabvu vasina kumbonokwikwidza kumitambo mikuru yakaita seAfcon.

Chero zvazvo vatsigiri vachichemera kuti pachigaro chinopisa ichi pagadzwe murairidzi wekunze, vemuno ndivo vange vachitobata basa iri nemazvo kudarika vekunze.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *