Abel Zhakata
NYAYA yevakadzi vaviri vari kupomerwa kuchengeta shato zvisiri pamutemo paimwe hotera iri maMutare yave nepamwe zvichitevera kurwara kwakaita murume anove mufakazi mukuru apo aipa huchapupu hwake mudare reMutare Magistrate Court nguva pfupi yadarika.
Muridzi weGreen Gate Lodge, Loice Samhere, naQueen Mpofu uyo anoita zvekutengesa muviri wake, vari kutongerwa kutyora mutemo weParks and Wildlife Act.
Vaviri ava vari kumiririrwa negweta ravo VaCosmas Chibaya vekambani yeChibaya and Associates.
Muchuchusi Tirivanhu Mutyasira akadaidza chapupu chikuru panyaya iyi, Simbarashe Mupuradzuva (40), uyo akarondedzera achiti akashanyira sei Green Gate Lodge apo akazoona shato iri mumba maMpofu.
Anoti mushure mekuona mukweshwa wenyoka uyu, akamhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaMutare Central Police Station akazodzoka nemapurisa matatu.
Mupuradzuva anoti mapurisa vakabatwa nekutya pavakaona nyoka iyi zvikaita kuti vatadze kuibvisa payaiva.
Mapurisa pavakaenda kukamba kunotora vamwe vavo kuti vavabatsire, vanonzi vakazodzoka nyoka iyi pasisina.
Zvisinei, mutongi Tendai Mahwe akazopfuudza kutongwa kwenyaya iyi kuzuva riri mberi mushure mekunge Mupuradzuva atanga kunzwa dzungu ari pakati pekupa huchapupu hwake.
Mupuradzuva akakumbira mvura yekunwa ndokupihwa, asi hazvina kusanduka chero paakambopihwa chinguva chekuti azorore zvakaramba zvakamubata.
Sambere naMpofu vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.
Samhere anoti chero zvazvo ari iye muridzi weGreen Gate Lodge, asi haazive zvinoitika zuva nezuva panzvimbo iyi.
Anoti vanhu vanouya pabhizimisi pake kana vanyoresa kupinda mukati iye nevashandi vake havazotsvaga kuti mumabhegi mavo munenge muine chii.
Samhere anoramba zvakare kuti ndiye muridzi webhegi rakatakuriswa nyoka yakazoonekwa pabhizimisi pake.
Mpofu ari kurambawo nyaya iyi achiti iye anongovawo munhu anoita zvekutengesa muviri uye akanga akechwawo ndokuenda palodge apa pakazoonekwa nyoka iyi.
Manheru emusi wakaitika nyaya iyi, musi wa3 Ndira, Mpofu anoti akanga aine munhu akanga amutora kuti vapedze husiku hwose vachisasana.
Anoti chikomba chaaisasana nacho pachakanga charara, ndipo pakabva pasvika Mupuradzuva uyo aidawo kurezvana naye.
Mpofu anoti akabuda mumba yake ndokusangana naMupuradzuva pamupata wekamuri yaakanga abhuka kuti arare.
Anoti Mupuradzuva akamumanikidza kuti vasangane pabonde apo vakabva vaenda mune imwe imba.
Anoti mumba iyi ndimo mavakaona bhegi rinonzi raive nenyoka apo Mupuradzuva akabva aisa bhegi rake diki nenguwani.



