Zimpapers yorwisa gomarara

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, neMugovera uno ichaita chirongwa chekufamba chinodaidzwa kuti Cancer Power Walk nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara.

Veruzhinji vakasununguka kupinda muchirongwa ichi.

Chirwere chegomarara chiri kushungurudza vanhu vakawanda munyika pamwe nekutora upenyu hwevanhu vakawanda.

Chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk chiri kuuya panguva iyo pasi rose vanhu vari kucherechedza mwedzi wekurwisa gomarara rezamu (Breast Cancer Month). Panguva imwe cheteyo apo mwedzi waMbudzi uri wekuwanisa ruzivo rwezveutano kuvanhurume (Men’s Health Month), zvakaonekwa zvakakosha kuti dzidziso maringe nechirwere chegomarara inge ichiitwa senzira yekuti vanhu vashandure pfungwa dzavo maringe nekuenda kunowaniswa rubatsiro rwekurapwa muzvipatara.

Chirongwa cheCancer Walk chiri kuuya zvichitevera kunyorerana pasi chibvumirano chemushandirapamwe wekurwisa chirwere chegomarara pakati peZimpapers nesangano reIsland Hospice.

Mukushi wemashoko kuZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti kambani iyi yakatora danho iri mushure mekuona kukosha kwedzidziso kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara.

“Chirwere chegomarara inyaya huru nekuti vanhu vari kufa nacho zvakanyanya kudarika kare. Panguva iyo vanhu vave kuratidza kuve neruzivo maringe negomarara remuzamu neremuchibereko, takaona zvakakosha kuti tinge tichitaurawo nezvegomarara rinobata vanhurume nevana. Tinoda kuti vanhu vange vachiziva zvikonzero nedziviriro kuti vakwanise kuronga remangwana rakajeka,” anodaro.

Anoendera mberi achiti: “Tinokurudzira veruzhinji kuti vange vachiuya vachibatana nesu mukufamba makiromita mashanu nekuti mukufamba ikoko tinenge tichisimudzira utano hwedu.”

Tonhodzayi anoti vashandi veZimpapers nevamwe veruzhinji vachafamba kubva paHerald House, muHarare, panove pachanyoreswa vanhu mazita nenguva dza5:30 am vachizosimudzira rwendo rwavo na6 am vachienda kuOld Hararians Sports Club. Pazuva iri, pachange paine mitambo yakasiyana seZumba nekuvhenekwa pachena kweutano hweveruzhinji.

Mazera ose evanhu akakodzera kupinda muchirongwa ichi.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *