Zvakakosha kunzwisisa zvirwere – Parirenyatwa

Daphne Machiri  

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti zvakakosha kuti vanamazvikokota munyaya dzeutano vave neruzivo rwakadzama pamusoro pezvirwere zvinopararira kuburikidza nekutapurirana nezvisingatapuriranwe kuitira kuti patorwe matanho ekuzvidzivirira nguva ichiripo.Vakataura mashoko aya vari muHarare nguva yadarika pakuparurwa zviri pamutemo kwesangano reZimbabwe Field Epidemiology Training Programme Alumni Association rinova ravanamazvikokota vezvirwere zvakasiyana zvinopararira nekutapuriranwa nezvisingatapuriranwe.

Sangano iri rine nhengo dzinosanganisira vakaita zvidzidzo zveutano zveMasters in Public Health (MPH) uye rakatangwa mugore ra1993.

Dr Parirenyatwa vanoti kuparurwa kwesangano iri idanho guru munyaya dzekusimudzira utano munyika.

“Kuparurwa kwesangano iri kuchavandudza nyaya dzeutano munyika takatarisana nezvirwere zvakasiyana izvo zvinotapuriranwa nezvisingatapuriranwe. Zvakare sangano rino richatibatsira kuti pave nekukasika kuonekwa kwezvirwere zvakadai zvisati zvapararira,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

“Vakaita zvidzidzo zveMasters in Public Health vane basa guru mukuvandudza utano munyika. Varipo pakuongorora nekuvheneka zveutano munyika.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, director veMPH Programme kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Professor Mufuta Tshimanga, vanoti vose vanoita zvidzidzo zvakadai vanoshanda neveruzhinji mukurwisa kupararira kwezvirwere zvakaita seEbola iyo yakashungurudza vanhu vazhinji kuWest Africa neZika Virus yakakurumbira kuSouth America nguva yadarika.

Zvidzidzo izvi zvinotungamirwa neDepartment of Community Medicine paUniversity of Zimbabwe College of Health Science pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *