Zvichakubatsira kugadzirira bvunzo

Ticha Danga

REGAI timbosiya zvebvunzo dzegore rinouya tinangane nevari kunyora gore rino apo tinoda kukudubura zviri mugapu kuti vana vazive zvinhu zvichange zvichinyorwa mupepa rino zvakanangana negwaro rechinomwe.

Zvakawanda zvatichabata kusvika gore rinopera zvekuti hatikwanise kubva tazviburitsa zvose muchikamu chino nokudaro tichabata bata zvatinenge tagona.

Tichabata zverondedzero izvo zvatakatombobata bata muzvikamu zvakapfuura. Tichitarisa mhando uye manyorerwo adzo.

Tiri parondedzero ipapo, tichabva tabata zvese netsamba. Kashoma kuti bvunzo rigonyorwa pasina musoro unotaura nezvetsamba. Tinoongorora zvakare nhaurirano neripoti.

Tinobata zvakare zvirungamutauro apo tinoongorora tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, fananidzo nefananidzosiri. Patsumo tinotarisa kutsanagudzwa kwetsumo uye mashandisirwo adzo muzvirevo zvizere.

Tichaongororazve tsumo dzinoreva zvakafanana uye dzinoreva zvinopesana.

Kana ari madimikira tinotarisa kududzirwa kwawo uye mashandisirwo awo muzvirevo zvizere.

Nyaudzosingwi tinoita kuti vana vagone kudzishandisa muzvirevo zvinova zvimwe chetezvo nezvipauro nefananidzo.

Tinopinzawo mazita anopiwa kuzvinhu nenzvimbo. Anogona kuva mazita evanhu kubudikidza nemabasa avanoita muhupenyu. Mamwe mazita anogona kupiwa kuzvinhu zvichienderana nehuwandu hwazvo. Anogonazve kunge ari mazita emhando dzemiriwo kana kuti ezvirimwa.

Mazita anopinda pakawandisa zvekuti hatigoni kuzvipedza zvose muchikamu chino.

Tichitarisawo zvakangana nemhuka. Apa tinenge tichitarisa hono nehadzi dzacho uyewo vana vadzo. Tinoongorora zvakare machemero adzo uye mafambiro kana padzinogara. Tichaedza chose kubata mhuka dzesango nedzinopfuyiwa nevanhu. Mumhuka umo tinosanganisira shiri hove kana nyoka.

Hatikanganwewo tsika nemagariro evanhu apo tinoburitsa zvemitupo namadzinza. Tiri patsika ipapo, tinobata zvemhando dzekuwanana uye nyaya dzerudo nezvinoitika vanhu vasati vapinda muwanano.

Tinoongorora zvakare zvemitambo yaiitwa chinyakare neyaveko mazuva ano. Nyaya dzemararamiro anoitwa navanhurume nevanhukadzi dzinobudawo muzvirongwa zvedu.

Bvunzo iri rinobatawo zvvine chekuita nekudya nekudaro tinotarisa kudya kwakare nekwanhasi. Tinotarisawo kunowanikwa mhando dzacho dzezvekudya uye makohwerwo anoitwa kumwe kwekudya kwacho.

Tichabata kumiriwo nemichero zvakare. Tinosvika pakubata mhando dzezvirimwa zvakaita setsenza, mupunga kana mapfunde.

Zvimwe zvatinotarisa manyorerwo akanaka, pfekedzo uye mashandisirwo emavara makuru. Tinotarisazve sungawirirano apo tinoongorora kuvakwa kwezvirevo kwamandorokwati.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×