ZVICHANGOITIKA: Mukuru weuto reZNA Edzai Chimonyo ashaya

Columbus Mabika

Mukuru wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant-General Edzai Absalom Chakanyuka Chimonyo ashaya.

Muchinyorwa chavo chepaTwitter, mutauriri wemutungamuri wenyika (Presidential spokesperson) VaGeorge Charamba vanoti Lt Gen Chimonyo vashaya mushure mekutambura kwenguva refu negomarara (cancer).

“Zvinorwadza kuzivisa nezvekushaika kwaGeneral Chimonyo nhasi mangwanani mushure mekurwa kwenguva refu negomarara. Fambai zvakanaka murwi wehondo yerusununguko, Commander uye mumiririri wenyika (Ambassador),” vanyora vachidaro VaCharamba.

. Zvakawanda zviri kutevera. – Munyori weKwayedza/The Herald

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×