Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka
SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer League (PSL) murwendo rwekurwira mukombe uyu.
Mutambo uyu weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup, uyo wakaparurwa naPresident Mnangagwa nguva pfupi yadarika, uri kupa mikana kuzvikwata zvakasiyana-siyana kuti zvisimukire munhabvu.
Mitambo iyi yeRound of 32 ichatambwa kubva musi wa7 kusvika musi wa9 Nyamavhuvhu.
Shasha yePSL, Scottland FC, ichasangana neFC Oden, iyo inotambira nhabvu yayo muNorthern Region Division One.
Dynamos ichaenda kunosangana neHwange kunhandare ichazoziviswa.
CAPS United ichasangana neScottland Academy.
Mitambo yakabuda pasarudzo ichaona zvikwata zvemuPSL zvichisangana pachazvo inosanganisira wedzaimbove shasha dzeligi iyi, Simba Bhora, iyo ichange iri pamusha payo apo ichatatsurana neManica Diamonds, iyo iri kutatarika zvikuru mwaka uno muPSL.
MWOS FC ichabandana neHerentals.
ZPC Kariba ichasangana neTriangle, uye Chicken Inn ichatamba neTriangel United.
Kune rimwe divi, kumutambo wemadzimai kuchaona chikwata cheScottland Queens chichisangana necheCAPS United Royals. CheBlack Rhinos Queens chichisangana neWaverly Queens. Black Rhinos Queens ichasangana neBlack Mambas Queens.

Sarudzo yezvikwata zvevarume
Aqua Stars v Chilli FC
ZPC Kariba v Triangle FC
Simba Bhora v Manica Diamonds
Norton Big Boys v Hunters
TelOne v Blanket Mine
Chicken Inn v Ngezi Platinum Stars
Hwange v Dynamos
MWOS v Herentals
FC Oden v Scottland
Bulawayo Chiefs v AGAMA
Marere FC v FC Platinum
Scottland Academy v CAPS United
MWOS U-19 v Chatidheghe
Blackrock v Highlanders
Kwekwe United v Hardrock
Gwanda Pirates v Jordan FC

Sarudzo yezvikwata zvemadzimai
Scottland Queens v CAPS United Royals
Black Rhinos Queens v Waverley Queens
Kwekwe Queens v Shedza Queens
Highlanders Royals v Black Mambas Queens
Getty Queens v Las Palmas
Mutare City v Harare City Queens
Herentals Kwekwe Queens v Mpopoma
Mposa v Faith Drive Academy
Gwelo Rangers Royal Academy v Hardrock Queens
Queen Lozikeyi v FC Platinum Royals
Red Buffaloes v Correctional Queens
Herentals Queens v Conduit
Cranborne Royals v Chapungu Queens
Chegutu Community Queens
Rufaro Starlets v Herentals Junior Queens
Manhingi v Ngezi Platinum Stars Queens

Related Posts

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise. Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×