Zvimbuzi zveUnilever zvichabatsira 700 000

KAMBANI yeUnilever Zimbabwe inoti chinangwa chayo ndechekusimudzira zveutano munyika kuburikidza nekuvaka zvimbuzi.

Kusvika panozopera gore rino Unilever inotarisira kuti vanhu vanodarika 700 000 kumativi mana enyika vange vobatsirikana nezvimbuzi zvairi kuvakisa kana kuvandudza. Izvi zvakananga kudzivirira kupararira kwezvirwere zvakaita semanyoka.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pamhemberero dzezuva reWold Toilet Day paMabvuku Poly Clinic, muHarare, mukuru wekambani iyi, VaHilary Muzondiwa, vanoti kuve nezvimbuzi kwakakosha zvikuru muraramo yevanhu.

Zuva reWorld Toilet Day rinocherechedzwa musi wa17 Mbudzi senzira yekukoshesa utano hwemuchimbuzi.

“Tinoda kuona kuti panopera gore ra2016, vanhu vanodarika 700 000 vanenge vabatsirikana nezvimbuzi,” vanodaro.

Senzira yekurwisa huchapa, kambani yeUnilever iri kufamba muzvikoro ichifundisa vana magezerwo akanaka emawoko, zvikuru mushure mekushanyira zvimbuzi nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere. Kusvika pari zvino, vana vanodarika 30 000 vawaniswa ruzivo urwu.

“Nyaya dzeutsanana idambudziko guru munyika muno nokudaro takaona kuti seUnilever Zimbabwe, zvakakosha kuti tishande nesimba mukushambadza mashoko echenjedzo pamwe nekubatsirana nenharaunda.

“Asi zvinoda mushandirapamwe nemamwe masangano akazvimiririra neHurumende kuti tinge tichisimudzira utano munyika,” vanodaro VaMuzondiwa.

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu 2,4 miriyoni pasi rose havana zvimbuzi zvakakwana uye zvakachena kana kuti zvinoshanda zvakanaka. Izvi zvinovaisa panyatwa yekubatira zvirwere zvemanyoka sekorera netyphoid.

“Pagore, vanhu 443 miriyoni pasi rose vanotora mazuva ekurovha kubasa nekuda kwehurwere hunokonzerwa nehuchapa. Izvi zvinoita kuti dzimwe nyika dzirasikirwe nemari inosimudzira budiriro inosvika chikamu che7% yeGross Domestic Product (GDP).

Kambani yeUnilever yakazvipira kubatsira vanhu 25 miriyoni kuti vange vaine zvimbuzi zvakakwana pasi rose,” vanodaro VaMuzondiwa.

Kusimudzirwa kwenyaya dzeutano kuburikidza nekuwaniswa zvinhu zvakaita semvura yakachena nezvimbuzi ndechimwe chikamu chekuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro zveSustainable Development Goals Number 6.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *