$10 miriyoni yedzidzo

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rakaisa padivi mari inosvika $10 miriyoni iyo iri kushandiswa mukufambisa zvirongwa zvinosanganisira kupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekunyorwa kwegwaro idzva reNew Education Cirriculum.Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamhemberero dzezuva revarairidzi pasi rose, reWorld Teachers Day, idzo dzakaitirwa muHarare.

“Sebazi, tiri kufara nekufambira mberi kwezvirongwa zvatakaparura mukuvandudza dzidzo. Tine mari inosvika $10 miriyoni iyo yatiri kushandisa muzvirongwa zvakasiyana zvinosanganisira kupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekunyorwa kwesirabhasi itsva yeNew Cirriculum,” vanodaro Cde Dokora. Vanoenderera mberi vachiti: “Ikodzero yemwana wose kuti awane dzidzo uye donzvo redu nderekuti tirambe tiri pamusoro munyaya yedzidzo muAfrica.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemunyori mukuru mubazi iri, Dr Silvia Utete-Masango, vachiti bazi ravo riri kuenderera mberi nekuvakisa zvimwe zvikoro zvitsva nechinangwa chekusimudzira dzidzo munyika.

“Tava nemwedzi 11 tatanga chirongwa cheEducation Sector Strategic Plan. Donzvo redu nderekuvandudza dzidzo munyika nekushanda pamwe chete nemasangano nemakambani anosimudzira dzidzo,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Chirongwa ichi chiri kuenderera mberi kusvika mugore ra2020.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *