Maticha 7 000 pabasa

HURUMENDE ichapinza mabasa varairidzi vanosvika 7 000 zvikoro zvisati zvavhurwa kutanga kwa2017 nedonzvo rekuti huwandu hwevana huve hunofambirana nehwevadzidzisi.Pavaraidzi vatsva vachapinzwa basa ava, 5 800 vavo vanenge vari veEarly Childhood Development (ECD). Principal director (human resources, finance and training) mubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaJacob Gonese, vanoti zvirongwa zvemari yekubhadhara varairidzi ava zvichapera kugadzirwa munguva pfupi iri kutevera.

“Padanho reECD tinoda kuve nemurairidzi mumwe chete pavana 20 uye paGrade 3-7 ticha mumwe pavana 40. Kusekondari, kunofanirwa kuti murairidzi mumwe pavana 25 kusvika 30.

“Tiri kuita hurukuro nevebazi rehomwe yenyika nerevashandi pamusoro penyaya iyi. Pane huwandu hwatiri kushanda nahwo kuitira kuti basa rive nyore. Pachavhurwa zvikoro muna Ndira gore rinouya, tinotarisira kunge tave nebhajeti rakadzama,” vanodaro.

Hurumende yakamisa kupinza vashandi basa senzira yekudzikisa kuwanda kwemari inotambirwa nevasevenzi vayo iyo inosvika chikamu che90% chehomwe renyika yose.

VaGonese vanoti kupinzwa basa kwevarairidzi uku kunoenderana nehurongwa hweHurumende hwekuwedzerwa zvikoro munyika.

Zimbabwe inoda varairidzi 131 000 asi pari zvino vanosvika 122 000.

Munyori mukuru wesangano rinomirira varairidzi reZimbabwe Teachers Association, VaJohn Mlilo,vanoti pari zvino varairidzi vashoma zvikuru.

Vachitaura pakupemberera zuva revarairidzi repasi rose svondo rapera pamberi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakazvipira kupedza dambudziko rekushomeka kwevadzidzisi muzvikoro.

Vanoti bazi ravo rakatanga chirongwa chekuvandudza ruzivo rwevarairidzi, cheTeacher Capacity Development Programme, icho chakaparurwa zviri pamutemo nemutungamiriri wenyika President Mugabe muna2014. — The Sunday Mail

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *