$100 yekungorasa marara pose-pose

Daphne Machiri
VANHU vose vachaonekwa vachirasira marara panzvimbo dzisina kukodzera vachabhadhariswa faindi ye$100 kubva pa$25 iyo yaisibhadhariswa kare.

Mashoko aya akaziviswa negurukota rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, nguva pfupi yadarika.

“Kuraswa kwemarara kwanyanya mumigwagwa. Marara aya anosanganisira zvigubhu, mapepa ezvikafu zvakasiyana-siyana zvinenge zvadyiwa mumabhazi nemakombi. Mamwe madzimai zvakare kana vachifamba vari kurasa mapamper avanenge vachinja vana nemumahwindo emabhazi kana makombi,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vanoenderera mberi: “Nharaunda inoda kucheneswa, machenesero atinoita kudzimba dzedu ngatiitei zvimwe chete pose patinenge tiri. Ndinokurudzira zvakare kuti mudzimotokari, kunyanya dzinotakura veruzhinji, munge muine mabhini zvinova zvinoderedza kuraswa kwemarara mumigwagwa,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vanotizve kune dzimwe nyika sekuBotswana neSouth Africa vanhu havangorasira marara pose-pose nekudaro vemuZimbabwe vanofanira kutevedzerawo tsika yakanaka iyi.

“Nharaunda yakachena inochengetedza utano zvakare tinoda kuti varuzhinji vafeme mweya wakachena. Tsvina inokonzeresa zvirwere, ngatiregei tsika yekungorasa marara,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *