Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka

UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima.

Mashoko aya abuda pamusangano waitwa nenhengo huru dzesangano reZimbabwe Agricultural Society (ZAS) nevatori venhau nhasi apo vanga vachipa hurongwa hwegadziriro yeshoo yevarimi, iyo ichaitwa kutanga nomusi wa24 kusvika musi wa29 Nyamavhuvhu.

Vachitaura nevatori venhau, VaRufaro Gunundu, vanove chamangwiza weZAS, vanoti vanofara zvikuru neuwandu hwevarimi uye vanamuzvinabhizimusi vari kunyoresa kupinda muchirongwa chikuru chepagore cheZAS.

Gore rino, ZAS yechi116 iri kuitwa pasi pedingindira rinoti: “Kutsigira Budiriro: Apo Kurima, Zvemichina neKutengeserana Zvinosangana”.

“Chirongwa cheZimbabwe Agricultural Show chichaitwa kutanga nomusi weMuvhuro 24 kusvika Mugovera 29 Nyamavhuvhu apo tine mufaro mukuru kuti varimi vakawanda vakatonyoresa, vakabhadhara mari yenzvimbo dzokuti vange vachiratidzira zvirimwa, zvipfuyo nezvigadzirwa zvakasiyana-siyana. Tiri kutarisira kuva nevarimi uye vemabhizimusi vanosvika 630 vachange vachitora nzvimbo inosvika 89 000 square metres. Kusvika pari zvino, tine varimi vanosvika 350 vakatonyoresa, vemuno nevokunze, avo vakatotora nzvimbo inosvika 66 000 square metres. Izvi zvinoratidza kuti vanhu vazhinji vave kuziva kukosha kweshoo mukusimudzira mabasa avo ekurima, zvichivandudza kuwana kwavo mari,” vanodaro.

Vanoti gore rino kuchange kuine kuratidzirwa kwakasimba kwezvipfuyo, zvirimwa nezvimwe zvigadzirwa zvinobva mukurima.

“Gore rapera, varimi vakauya nemombe dzemhando dzakasiyana-siyana dzakadai seBonsmara, Tuli, Wagyu, Simmental, Simbrah, Boran, Reh Brahman, Mashona, Commercial Nkone vaive 66, asi gore rino uwandu hwavo hwawedzera kuenda pa112. Varimi vemombe dzemukaka dzine mhando dzinoti Holsetin neJersey vaive 15 uye gore rino tine 9, asi tinotarisira kuti vachawedzera nekufamba kwenguva. Varimi vembudzi gore rapera vaive 40 uye gore rino vakawedzera kuenda pa78, vehwai vakabva pa30 kuenda pa45, venguruve vakabva pa26 kuenda pa34, vetsuro vakabva pa84 kuenda pa99, vehuku vakawedzera zvakapetwa kaviri nekuraudzira kubva pa105 gore rapera kuemda pa269 gore rino, vaine mhando 20 dzehuku,” vanodaro.

Kufodya kune varimi 120 apo donje rakaramba riine varimi 40, vakangoenzana nevaiveko gore rapera.

“Pachirimwa chefodya (flue-cured tobacco) gore rino dunhu reMashonaland West ndiro rine varimi vakawanda kupinda mamwe matunhu apo rine varimi 42 zvichienzaniswa ne30 vakabva mudunhu iri gore rapera, richiteverwa neMatabeleland South, ine varimi 20, Mashonaland Central 19, Manicaland 13, Mashonaland East 12 apo Manicaland ine 13.

“Tinofara zvikuru kuti pachirimwa chefodya tine varimi vanosvika 120 vakanyoresa kuunza fodya yavo kushoo kana tichienzanisa ne51 vaiveko gore rapera, kureva kuti uwandu hwevarimi vefodya hwawedzera nechikamu che135 percent zvichitevera kuuya kwevarimi vari kubva kumatunhu akadai seMatabeleland South neManicaland. Varimi vazhinji vave kuziva zvinodiwa kushoo, kubva pamhando yefodya dzavanorima, zvinova zvinoita kuti vave nemikana yakawanda yekuhwinha,” vanodaro VaGunundu.

Vanoti varimi vedonje vakaramba vaine uwandu hwe40 uye varatidziri vave kuziva kukosha kwebhizimusi rechirimwa ichi uye vave kugona kuchivandudza, vachigadzira mbatya nezvimwe zvinhu zvakakosha muupenyu.

“Mupanda weAgri-Produce wakakosha nokuti unobatsira varimi kuti vazive mitemo inovatungamirira mukurima kwavo nemunyaya dzekutengeserana muno nekunze uye kuvandudzwa kwezvirimwa, kugadzirwa kwemafuta, kusona nekugadzirwa kwemabhande, mabhachi, mabhegi nezvimwe pachishandiswa matehwe,” vanodaro.

Vanoti zvirongwa zvekusimbaradza mabhizimusi ekurima zvine chinangwa chekusimudzira kuwanikwa kweagricultural economy inokosha US$15.8 billion pakuzosvika gore ra2030.

VaGunundu vanoti voruzhinji, kusanganisira vana, vachange vakachengetedzeka zvikuru panguva yeshoo uye gore rino vanhu vanoda kunyoresa kuzopinda, kusanganisira varimi, vanamuzvinabhuzimusi nevatori venhau, vachazviita paindaneti.

Izvi zvinoreva kuti ruzivo rweindaneti rwuchabatsira mukuderedza kureba kwemitsetse pamagedhe pamazuva eshoo.

Zvakadaro, Kwayedza yakaona vagadziri venzvimbo dzichange dzichiitirwa zvirongwa kushoo vari mushishi kudzinhadzurudza segadziriro.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×