Kingstone Mapupu
MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.
Izvi zvinonzi zvakakonzerwa nekupanduka kwakaita mhiko dzekusimbisa musha, idzo dzakange dzaiswa navatezvara vemudzimai uyu, avo vakashaika, apo vakapinga musha wavo vachiri kugara kuChipinge.
Mhuri iyi yaimbogara kuChipinge, ndokuzotamira kuDomboshava.
VaEnock Kamunoso Chapinduka, avo vaive nemadzimai maviri uye vachigara kuChipinge, vanonzi vakauya nen’anga, ndokupa vakadzi ava midzi, yavakati vacherere panzvimbo dzakasiyana nhatu muchivanze. Izvi zvainzi yaive nzira yekusimbisa musha wavo.
Zvinonzi vakapihwa mhiko yokuti pamusha pavo paisafanirwa kuti munhu abude nemoto panze usiku.
VaChapinduka vakazoshaya, mhiko idzi dzikazopanduka nekufamba kwenguva mushure mokunge vamwe vemumhuri iyi vakange voita katsika kekubuda nemoto panze usiku.
Izvi zvave kuita kuti vemhuri iyi vasangane nematambudziko akaita sekufirwa nevana zvisina tsarukano, kushinhwa kwemadzimai pamwe chete nevanhurume nevanhu vasingaonekwi, uye kudzipwa.
Mai Maria Dzora (44), vanove muroora mumusha uyu, vanoti vaoneswa ndondo kuitwa bonde navo nevarume vavasingaoni.
Vanoti mukufamba kwavari kuita vari kuudzwa kuti izvi zviri kukonzerwa nemhiko dzakapanduka dzakange dzaiswa natezvara wavo pamusha wavo, ndokufa vachisiya zvakadaro.
“Izvozvi tave kugara kuno kwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava. Ndinoitwa bonde neni nevarume vandisingaoni, ndichidzipwa usiku nevanhu vandisingaoni zvakare. Vazukuru vangu vari kupera kufa. Mwanasikana wangu akatorambwa nokuda kwedambudziko rekufirwa. Tikafamba tinonzi imhiko dzakapanduka,” vanodaro Mai Dzora.
Mudzimai uyu ari kugara navamwene vake, avo vanonzi vari kutaura kuti vari kuitwawo bonde nenyoka.
“Vamwene vangu, avo vakabva kumusha kwavo kuMt Darwin, vari kutaura kuti vanovingwa nenyoka inovamonerera, yozoshereketa navo. Mudzimai mudiki wababa akambouya kuno aine bonde (rupasa) rainzi yaiva nhaka yainge yapihwa murume wangu, Frank Chapinduka. Pakazobuda tsoko murupasa urwu tichiona, dzikanyangarika pamusha,” vanodaro Mai Dzora.
Vanoti pavakaona tsoko idzi, rimwe remaziso avo rakabva raputika uye pavakafamba vakaudzwa kuti izvi zvakakonzerwa nekuona kwavakaita tsoko idzi.
Dorothy Chapinduka (24), mumwe wevana mumhuri iyi, anoti akarambwa nemurume nokuda kwekufirwa nevana vaviri.
“Nokuda kwemhiko dzinonzi dzakakanganiswa idzi, ini ndakafirwa nevana vangu vaviri kusvikira ndarambwa nemurume uye ndinoitwa mudzimai zvakare nevarume vandisingaoni,” anodaro Dorothy Chapinduka.
Anoti kwaanofamba anonzi haambofa akapinda mumba zvakare kana mhiko idzi dzakapanduka dzisina kugadziriswa.
Givemore Chapinduka (25), mumwe wevana mumhuri iyi, anoti akamborasika pfungwa uye anoitwa bonde nemadzimai anouya kwaari kuhope.
“Tatambura nokuda kwemhiko dzinonzi dzakaiswa pamusha nasekuru vedu kuChipinge. Ndakamborasika pfungwa uye ndinoburitswa basa zvisina tsarukano, handina simba pabonde, nokudaro ndinorambwa nevasikana uye ndinorarwa neni nemadzimai nguva dzose ndakarara,” anodaro Givemore Chapinduka.
Mumhuri iyi mune vana vakaberekwa vari vashanu. Vose vanonzi vane matambudziko akasiyana-siyana. Pane mumwe musikana anonzi anogara achirohwa nezvidhoma.
Mbuya Rossy Goteka (84), avo vaiva vahosi vaVaChapinduka, vanotsinhira kuti vakaitiswa mhiko nemurume wavo, vakacherera mishonga muvhu usiku.
“Taiva takaroorwa tiri vaviri pamurume wedu, ini ndiri vahosi. Murume wedu akauya nen’anga pamba usiku, ndokupihwa mishonga yainzi ndeyekusimbisa musha, tikacherera mativi matatu. Baba vakazofa, mainini vakafawo, kwasara ini chete, zvino mhiko idzi dzakapanduka,” vanodaro Mbuya Goteka.
Pakashaika murume wavo vanoti vakadzokera kumusha kwavo kwaGoteka, kwaKunyetu, kuMt Darwin, uko vakazobva vave nematambudziko ekusangana nenyoka, vachiitwa bonde nayo, vasingazivi rudzi rwayo.
“Ndakabva kumusha kwangu kuMt Darwin. Izvozvi ndinogara nemwana wangu mukomana nemuroora. Nyoka iyi inongonditevera, ichindimonera nekundiita mukadzi. Zvinonzi zvakabva pamhiko dzemishonga yatakacherera pamba usiku,” vanodaro Mbuya Goteka.
VaFrank Chapinduka (52), mwanakomana waMbuya Goteka, vanoti mhuri yavo pamwe chete naamai vavo vatambura nokuda kwematambudziko anonzi ari kukonzerwa nemhiko dzakaiswa pamusha nababa vavo pamwe chete nemadzimai avo maviri.
“Mhuri yangu yose ine matambudziko. Mukomana akamborwara nepfungwa uye haagoni kushanda. Musikana anofirwa nevana akatorambwa nemurume. Mudzimaiwo anoti anoitwa bonde nevarume vaasingaoni, achidzipwa. Amai vangu vanotaura nezvenyoka yavanoti inouya ichivamonera,” vanodaro VaFrank Chapinduka.
“Hanzvadzi dzaamai dzekuMt Darwin nevamwe vari kuHarare vari kuziva dambudziko iri. Tinoda kubatsirwa kuti zvinhu izvi zvipere. Musha hausisina ugaro hwakanaka,” vanodaro VaFrank Chapinduka.
Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba, vemuHarare, vanoti dambudziko iri rinoda kugadziriswa Mbuya Goteka vachiripo sezvo vari ivo vanoziva pakachererwa mishonga iyi.




