Magweta akapedza zvidzidzo
KUNYORWA kwemitemo kwakakosha zvikuru mukusimudzira nyika uye kunofanira kuitwa nevashandi vari munyaya dzezvemitemo kuitira kuti vave neruzivo rwemabasa avo, vanodaro Attorney General Advocate Prince
‘Gmb ngaibhadhare varimi nenguva’
MASANGANO anomirira varimi anoti dura renyika reGrain Marketing Board rinofanira kubhadhara varimi vanoendesa zvirimwa zvavo kwariri nenguva kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nemabasa avo.
Humhandara nechimanda
Ndinoda kuwana mukadzi wangu riri gombo’ “TIBVIRE apo iwe, unoti unoda kubvisa mombe yechimanda yekupa vanatezvara vako kuti musikana wako uyo ave mukadzi vako wakamuwana achiri mhandara here iye mukadzi…
‘Fodya ngaipe pundutso’
KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors inoti zvakakosha kuti varimi varime fodya yavo nenzira ine hunyanzvi kuitira kuti igove yemhando yepamusoro inozovapa mari ine pundutso.
Goho rechibage raderera: FAO
GOHO rechibage mudunhu reSouthern Africa riri kutarisirwa kuderera nechikamu che26% izvo zvinogona kuita kuti mitengo yezvekudya inge ichikwira mwaka uno, sangano reFood and Agriculture Organization (FAO) rakazivisa.
Zim Cricket yonanga Pakistan
CHIKWATA chenyika chemutambo wecricket cheZimbabwe Cricket chiri kutarisirwa kunanga kuPakistan mwedzi uno uko chichanotamba mitambo mishanu – miviri yeTwenty20 International matches nemitatu yeOne day
Iriko mishonga yemari: zinatha
MUKURU wesangano ren’anga nemaporofita, reZINATHA, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakaitwa naHonest Sibanda wekuMberengwa, uyo akanotsvaga mishonga yekuti aite mari kuSouth Africa hachisi chinhu chitsva sezvo
‘Musasarure vashandi vane hiv’
MURONGI mukuru kusangano reNational AIDS Council (NAC), VaAdonija Muzondiona, vanokurudzira vashandirwi nevamwe vashandi kuti vasave nemweya werusarura kune avo vari kurarama neHIV neAIDS.
Mata oti mutambo weLiverpool makata
JUAN Mata akabvuma kuti Manchester United inogona kubatwa neLiverpool pakurwira kupinda mutop 4 kana ikaramba ichingokundwa.
‘Shefu’ Akanokorwa Tsoka
FOROMANI wepapurazi reAgri-Tiz Preston, kuNorton, anoti ayaura nekurwadziwa nemakumbo zvichitevera kunokorwa tsoka kwaanoti akaitwa nevamwe vaanoshanda navo nechinangwa chekuda kumutorera basa rake.











