‘Musasarure vashandi vane hiv’

MURONGI mukuru kusangano reNational AIDS Council (NAC), VaAdonija Muzondiona, vanokurudzira vashandirwi nevamwe vashandi kuti vasave nemweya werusarura kune avo vari kurarama neHIV neAIDS.

Vakataura mashoko aya nemusi weChipiri svondo radarika pamusangano wakaitwa pane imwe hotera muHarare nevemabhizimusi madiki neari pakati nepakati (Small and Medium Enterprise).

“Kune vamwe vashandirwi vanotoita zvekushandisa maziso avo mukuona kuti munhu ane HIV here kana kuti kwete.

‘‘Imhosva huru kuita izvi, kana kumanikidzira mushandi kuti aende kunovhenekwa HIV chero muri kuda kumupinza basa. Munhu anofanira kuenda pachake kunovhenekwa HIV nekuda kwake kwete kuita zvekumanikidzirwa.

“Tinoda kuti vashandirwi vazive kuti mushandi ane utachiona hweHIV akangofanana neuyo asina uye vose vanogona kungoshanda zvakaenzana nekuti HIV haitadzise munhu kuita mabasa,” vakadaro VaMuzondiona.

“Tine tarisiro yekuti panosvika gore ra2030 muZimbabwe munenge musisina munhu anorarama neutachiona hweHIV anowanikwa achirwara.”

Vanoti mushandi munhu akakosha mubudiriro yenyika nekudaro utano hwake hunofanirwa kukosheswa.

“Hatidi vashandi vanongorwara-rwara saka zvakakosha kuti mushandi awaniswe ruzivo maringe nematambudziko anouya kana akasazvibata. Tiri kurasikirwa nevashandi vakawanda zvikuru, vaye vanozviitira nekuti vanoti kana vakawana mari dzavo vongoenda nenyika vachitsvaga mafaro. Vachibvako vanenge vasisina mari iye asi vave neutachiona hweHIV zvinova zvinorwadza,” vakadaro.

Vashandi, vanodaro VaMuzondiona, vanopedza nguva zhinji vari mumabasa chinove chikamu che80-90% chenguva yavo nekudaro pane basa guru rekuti vadzidziswe nzira dzekudzivirira kutapurirana HIV mumabasa.

“Patsvakurudzo yakaitwa zvakaonekwa kuti nekuda kwekuti vashandi vanotora nguva refu vari kumabasa zvinoreva kuti vane mikana yekushaya ruzivo nekuti vamwe havaoni materevhizheni kana kuwana mapepanhau.

‘‘Mabhizimusi mazhinji ane chinangwa chekuita purofiti nokudaro chose chinokanganisa mushandi chinodzikisira purofiti yekambani,” vakadaro.

Vanoti kurwara kwemushandi kunoreva kuti achange achirovha kubasa kwenguva kwemazuva akawanda izvo zvinokanganisa mafambiro ebasa.

VaMuzondiona vanoti dunhu reBulawayo rine chikamu che20,4% chevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV apo Harare iine 12,6%.

Zvakadaro, mutemo weStatutory Instrument 105 of 2014 unorambidza nyaya dzekudzvanyirirwa kwevashandi kana rusaura uchicherechedza zvekare vanorarama neHIV mumabasa sevanhu vakakosha, vanofanira kuchengetedzwa uye kupihwa mikana yakaenzana.

Pasi pemutemo uyu, hakuna mushandi anofanira kudzingwa basa nekuda kwekuti anenge aine utachiona hweHIV.

Ongororo yakaitwa nesangano reInternational Labour Organization (ILO) inoratidza kuti pasi rose, vanhu 38 miriyoni vari kurarama neutachiona hweHIV uye mukati mevanhu ava, 36,5 miriyoni vavo vashandi vanowanikwa munyika dziri muAfrica.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×