Magweta akapedza zvidzidzo

KUNYORWA kwemitemo kwakakosha zvikuru mukusimudzira nyika uye kunofanira kuitwa nevashandi vari munyaya dzezvemitemo kuitira kuti vave neruzivo rwemabasa avo, vanodaro Attorney General Advocate Prince Machaya.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare pazuva rekupedza zvidzidzo kwemagweta 62 eHuremende avo vakaita zvidzidzo zvekunyorwa kwemitemo (legislative drafting).

Zvidzidzo izvi zvakaitiswa nehofisi yaAG ichitsigirwa neThe Centre for Applied Legal Research (CARL) pamwe nesangano reEuropean Union.

Chirongwa ichi chine donzvo rekuwanisa magweta ruzivo maringe nenyaya dzemitemo uye kuumbiridzwa kwehunyanzvi hwemagweta muzvikamu zvakasiyana zvemutemo.

Adv Machaya vanoti kudzikwa kwemitemo kwakakosha zvikuru panguva iyo Hurumende iri kuivandudza kuti inge ichidyidzana nebumbiro remutemo.

“Kufundiswa kwemagweta nezvekunyorwa kwemitemo uku kwauya panguva yakanaka zvikuru apo Hurumende iri kuedza kuona kuti mitemo ifambirane nebumbiro remutemo rakakumikidzwa mugore ra2013. Izvi zvichaita kuti vabati vemutemo vave neruzivo rwakakwana,” vakadaro.

“Magweta anonyora mutemo anofanira kuva neruzivo rwakakwana rwunobva muzvirongwa zvakadai zvekufundiswa kwavari kuitwa.

‘‘Izvi zvinotevera kusiya mabasa kwevanyori vemitemo, zvinoreva kuti pachine basa rekuramba tichidzidzisa magweta matsva kuitira kuti tikwanise kufambisa mabasa eHurumende,” vakadaro

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikwata cheEU, Ambassador Philippe van Damme, vakati zvakakosha kuti masangano ashande pamwe mukusimudzira kushandiswa kwebumbiro remutemo.

“Kuti bumbiro remutemo ringe richibudirira, zvinotanga nevashandi vemitemo. Vanhu vari munharaunda nevemakambani akasiyana kana vachishanda pamwe zvinoita kuti mitemo iyoyo ivabatsire mukusimudzira nyika,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×