Zim Cricket yonanga Pakistan

CHIKWATA chenyika chemutambo wecricket cheZimbabwe Cricket chiri kutarisirwa kunanga kuPakistan mwedzi uno uko chichanotamba mitambo mishanu – miviri yeTwenty20 International matches nemitatu yeOne day International.

Zim Cricket inotarisirwa kusvika kuPakistan musi waChivabvu 19 uye mitambo yezvikwata zviviri izvi ichizotanga musi waChivabvu 22 apo wekupedzisira uchizotambwa musi wa31.

Mitambo yose ichatambirwa kunhandare yeGaddafi Stadium kuLahore kupurovhinzi yePunjab.

Sachigaro weZimbabwe Cricket, Wilson Manase, akaudza vatori venhau svondo radarika muHarare kuti vari kutumira chikwata chavo kuPakistan uko chichanobandana nechePakistan mumitambo mishanu iyi.

Manase anoti munguva pfupi yadarika ange ari muhurukuro nemutungamiri wePakistan Cricket Board, Shaharyar Mahommad Khan, uyo waanoti akamuzivisa kuti chikwata chemuno chichachengetwa zvakanaka apo chichaenda kunokwikwidza kunyika iyi.

“Ndinokuzivisai kuti chikwata chedu chiri kuenda kunokwikwidza kuPakistan. Ndinoziva zvikuru kuti sangano rePakistan Cricket Board richatichengeta zvakanaka kunyika kwavo apo tichange tichitamba navo. Izvo takazvivimbiswa.

“Ndanga ndichimbokurukura nemutungamiri wePCB Khan uyo wandinoremekedza zvakanyanya nguva pfupi yadarika,” akadaro Manase.

Managing director weZC, Alistair Campbell, anotiwo chikwata chavo chiri kuenda kuPakistan kunokwikwidza senzira yekuedza kuvaka hukama pakati penyika mbiri idzi mumutambo uyu uye Pakistan ichazouyawo kuzotamba neZimbabwe muna Nyamavhuvhu.

“Tiri kuedza kuvaka hukama nePCB kuti tigofambidzana mumutambo uyu wecricket.

“Tinotarisira kuti Pakistan ichazotumirawo chikwata chayo kuzotambawo nesu muna Nyamavhuvhu,” akadaro Campbell.

Zvakadaro, chikwata cheZim Cricket chiri kuita gadziriro muHarare uye varairidzi vacho vachange vachiongorora vatambi vakasiyana vasati vadoma vavanoda kuzoenda navo kuPakistan.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×