‘Mukadzi uyu haagarike naye’
Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekumiswa mudare nemudzimai wake achipomerwa mhosva yekumushungurudza anoti mukadzi uyu haagarike naye sezvo achifonera vakuru vekubasa kwake achivatukirira uye anomutevera kwose kwaanoenda, kusanganisira kubhawa
Tinobura nyanzvi: mitc
Malven Mugadzikwa — KOREJI yeMsasa Industrial Training College (MITC) iri muHarare yovandudza hunyanzvi hwevashandi vemuindasitiri nedonzvo rekusimudzira kugadzirwa kwezvinhu zvakasiyana munyika.
Mupurwa mufiriji ine nyama
Kingstone Mapupu naBlessings Chidhakwav — VANHU vaitenga zvinhu mune chimwe chitoro paGokwe Centre, kuMidlands vanonzi vakaita rurasademo vachitiza mukweshwa wemupurwa uyo unonzi wakangoerekana wapinda muchitoro ichi ndokunanga kunopinda mufiriji yaive…
Kohwa pakuru nemadiridziro
Buhle Nkomo — “Ndinonzwa kufara nemichina yemadiridziro nekuti inoreva kuti unokwanisa kurima zvakawanda uchishandisa zvishoma, Madiridziro aya haadhure, anochengetedza mvura nefetereza uye unoshandisa simba shoma asi uchikohwa pakuru,” anodaro
‘Gomarara rinorapika pachivanhu’
Malven Mugadzikwa — MUMWE chiremba wechivanhu anoti chirwere chegomarara kana kuti nhuta (cancer) chinogona kurapika nemishonga yechivanhu chichipera.
Akauraya shefu arambwa
Blessings Chidakwa ari kuGWERU — MURUME wekuGweru anonzi akaponda mukadzi waaishandira, ndokuzopisira mutumbi wake mumba, mushure mekunge arambwa apo akamukanda shoko rerudo.
‘Ecd hwaro hwedzidzo yemwana’
Gamuchirai Muzanenhamu naLizzy Mushoriwa — VAKURU vezvikoro nevarairidzi vari kukurudzirwa kuti vaumbe hwaro hwakasimba hwedzidzo yevana apo vanenge vari mumagwaro ekutanga eECD sezvo izvi zvichivabatsira zvikuru mukuwana gwara ravanotevedza kusvikira…
Mazviwanza, rikave zita remwana
NYAYA yokuda kuve mberi sechigaro chamufundisi kana sehomwe yeepuroni inopfekwa navabiki, inoparira. Homwe inotungamira mberi kunge ndiyo amai vemba vanoziva zvinobikwa mukicheni.
Akarohwa abika sadza nederere
Muchaneta Chimuka — MURUME saimba wekuChitungwiza — uyo wekuruta zvekusvika pakuzvambaradza mudzimai wake mushure mekunge amubikira sadza nederere — ava kuzvidemba zvichitevera kumiswa kwaakaitwa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekuita
Mukadzi wemuchato oda $500
Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME samusha wekudhonzerwa kudare nemudzimai wake wemuchato achida mari yekuzvichengeta akatsika madziro achiti hapana mari yaanomupa nekuti haazi chembere uye anokwanisa kuzviriritira.







