‘Mukadzi uyu haagarike naye’

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekumiswa mudare nemudzimai wake achipomerwa mhosva yekumushungurudza anoti mukadzi uyu haagarike naye sezvo achifonera vakuru vekubasa kwake achivatukirira uye anomutevera kwose kwaanoenda, kusanganisira kubhawa achida kuona kuti anenge achiitei.

Hardwork Nharira akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naTafadzwa Zembe achiti ari kumufurufusha.

“Ndinoda kuti murume wangu amiswe kundirova, kundituka pamberi pevana nekutaura mashoko asina kufanira,” anodaro Zembe. Anoti Mharira anomutukira tunyaya tusina basa uye anoregedza shamwarikadzi dzake dzichimushoropodza panhare.

“Murume uyu anonditukira tunyaya tusina basa zvekuti ndinoshaya pekupinda kana vana varipo nechikonzero chekuti haandiremekedze. Anoregedzawo shamwarikadzi dzake dzichindituka pafoni, ndikamuudza anotanga kundituka achiti ndiri dofo,” anodaro Zembe.

Anoti Mharira ndiye akamupa mari yekunyora bvunzo dzeO-Level nekudaro anotora mukana uyu kumushungurudza.

“Ini ndakatadza kupedza chikoro nekuda kwekuroorana kwedu, saka iye ndiye akandiendesa kuchikoro ndikanyora O-Level. Zvino ndikada kuti nditaurewo patinenge tiri tose, ndinobva ndanzi, ‘Nyarara, hapana chaunoziva ndini ndakakuendesa kuchikoro’. Saka ndatova muranda,” anodaro.

Mharira anopikisana nemashoko aZembe achiti haamurove kana kumutuka.

“Mukadzi uyu haagarikike naye. Zvese zvekuti ndinomurova manyepo, ndinenge ndichitodzosera zvaanenge andiita. Anorova zvekuti izvozvi nditori nemavanga saka handingamirire kufa, ndinotomudzosera uye kumutuka kwaari kutaura ndiye anotanga.

“Anoitawo basa rekufonera vakuru vangu vekubasa achivatuka uye ndikamubvunza anotanga kupopota achiti ishamwarikadzi dzangu,” anodaro Mharira.

Anoenderera mberi achiti: “Anonditevera kwese kwandinenge ndaenda, kunyangwe nekubhawa achiti anoda kuona nekuziva zvandinenge ndichiita. Ndiri kutoshaya mufaro nekuda kwake.”

Mutongi Amanda Muridzo akapa Zembe gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *