Mukadzi wemuchato oda $500

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME samusha wekudhonzerwa kudare nemudzimai wake wemuchato achida mari yekuzvichengeta akatsika madziro achiti hapana mari yaanomupa nekuti haazi chembere uye anokwanisa kuzviriritira.

Tryness Ndaramashe akaendesa murume wake, Enias Ndaramashe, kuHarare Civil Court achida kuti apihwe mari yekuzvichengeta.

“Changamire, ndauya nemurume wangu ndichida kuti andipewo mari yekuti ndizvichengete nekuti muchato wedu unondipa mukana wekuti ndipiwe mari naye,” anodaro Tryness.

Anoti anoda $500 pamwedzi nekuti basa raanoshanda harimupe mari yakawanda yekuti akwanise kuzviraramisa.

“Ndiri kuda $500 pamwedzi nekuti basa rangu harina mari yakawanda, ndinotoita zvekushevedzwa ndichiwana $10 mwedzi wese,” anodaro Tryness.

Anoti Enias anotambira $700 pamwedzi uye haana imwe mhuri kunze kwevana vavo vanova vatokura vasisade kuchengetwa.

Asi Enias anoti haakwanise kupa Tryness mari nekuti ava munhu mukuru anofanirwa kuzvishandira.

“Handina mari yandiri kuda kumupa ini, ngaashande kwete kuda kushandirwa nevamwe akagara hake iye asingarware uye haasi chembere,” anodaro Enias.

Anoramba kuti anotambira $700 asi kuti $265 pamwedzi iyo anoti inosara yave shoma nekuda kwezvikwereti zvaari kubhadhara.

“Handitambire mari yakawanda kudaro ini, ndinotambira $265 asi ndinotozosarirwa neshoma nekuti ndine zvikwereti zvandiri kubhadhara,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati Enias abhadhare $70 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×