Nhetembo

Susan Tembo Ruzhinji mamask marasira kure Kuapfeka kutya kusungwa  Kwete kuchengetedza utano. Gurumwandira kuungana hamuchazezi Kuzora sanitiser kunenge kunetswa. Kudoti garai mudzimba,  Zvitanda munzeve moisa. Muchiri kundiyeuka here? Makanganwa ini…

‘Zvikoro zvakagadzirira vana’

Nqobile Tshili HURUMENDE inoti zvikoro zvichashandisa ruzivo rwazvakawana gore radarika panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 apo zvichavhurwa kuvadzidzi vose neMuvhuro unotevera. Zvikoro zvakatanga kuvhurwa nemusi weMuvhuro wadarika kuvana vari kunyora bvunzo…

Kukosha kwemvura mukurwisa Covid-19

Muchaneta Chimuka SANGANO reMiracle Missions Clean & Green, richishanda neCommunity Water Alliance (CWA), Spar nekanzuru yeHarare, nemusi weMuvhuro vakabatsira vagari vekuTafara neMabvuku nemidziyo yekushandisa pakurwisa chirwere cheCovid-19. Izvi zvakaitwa musi…

Ukasimudza mudzimai wasimudza nyika yose

Abel Ndooka SANGANO reWomen in Agriculture Union (WAU) riri kusimudzira vanhukadzi zvichitevera kudzorerwa kwavakaitwa kumashure nechirwere cheCovid-19 kuburikidza nemabhindauko anosanganisira kuvapa pachena nguruve dzokupfuya. Muhurukuro neKwayedza, Mai Olga Nhari –…

Akafa adutira kangopisa

Kingstone Mapupu MURUME wekuChipuriro, kuGuruve, anonzi akafa mushure mekudutira doro rakawandisa re“kangopisa”. Oliver Kanda (51) anonzi akabva pamba pake mubhuku raMumbamuchena nemusi wa15 Kurume nguva dzekuma4 kunze kwave kuedza achienda…

Warriors set for Covid-19 tests

Tadious Manyepo in FRANCISTOWN, Botswana THE Warriors are expected to go for PCR Covid-19 tests at the hotel they are staying ahead of the 2021 Afcon penultimate round qualifier against…

‘Tichaviga mutumbi usina musoro, maoko’

Kingstone Mapupu MHURI yekwaMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa – iyo ine mwanakomana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko asi wakabviswa nhengo dzemuviri dzinosanganisira musoro, maoko nemakumbo – inoti iri kufambira…

Baba nevanasikana vonetserana ‘nyoka’

Tendai Gukutiwa MURUME wekwaMutare wekupomerwa nevanasikana vake vana (4) kuti ane nyoka dzinoshinha navo pamadiro akazopotera kudare reko achitsvaga kudzivirirwa. Raymond Tsoriyo akaenda kuMutare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira kubva…

Nyoka yambuya inoita chidanda. . . ndakavaona vachiiyamwisa

Tendai Gutikwa ari kuCHIMANIMANI VAGARI vemubhuku raNenohwe, kwaMambo Mutambara, kuChimanimani, avo vaive padare reshe ava svondo rapera vanonzi vakasara vasina neremuromo zvichitevera kusanduka kwakaita zimukweshwa renyoka — iro raive rabatwa…

Mbuya (88) vakaponda sekuru (99)

Kingstone Mapupu CHEMBERE yekwaMutoko ine makore 88 okuberekwa yakasungwa nemapurisa eko ichipomerwa mhosva yekuponda murume wayo mushure mekunge vanetsana pamusoro penyaya yekutakura bhinzi kubva kumunda vachidziendesa kumba. Nyaya iyi yakaitika…

×
×