Nyoka yambuya inoita chidanda. . . ndakavaona vachiiyamwisa

Tendai Gutikwa ari kuCHIMANIMANI

VAGARI vemubhuku raNenohwe, kwaMambo Mutambara, kuChimanimani, avo vaive padare reshe ava svondo rapera vanonzi vakasara vasina neremuromo zvichitevera kusanduka kwakaita zimukweshwa renyoka — iro raive rabatwa nemamwe maporofita pamusha weimwe chembere iri kupomerwa huroyi — rikaita danda.

Manenji aya anonzi akaitika nemusi weChishanu chadarika apo nyoka iyi yaive yaunzwa padare ramambo ava seumboo apo paitongwa nyaya iyi.

Zimukweshwa renyoka iri rinonzi parakabatwa pamba paMbuya Ethel Sithole, vanhu vaivepo vakaita bararamhanya apo rairwisa paraida kubatwa naMadzimai Loice Mukono nechikwata chavo.

Izvi zvinotevera kutumwa kunonzi kwainge kwaitwa Madzimai Mukono naMambo Mutambara kuti vabate nyoka iyi masvondo maviri adarika.

Nyoka iyi yaifanirwa kunge yakabatwa svondo rapera pamberi asi mazuva acho akazopfuudzwa mberi sezvo gurusvusvu revanhu vanodarika 200 vainge vaungana pamba pechembere iyi vachida kuona zvaiitika.

Kunyangwe zvazvo zuva repiri raifanirwa kubatwa nyoka iyi raive ravanzwa kuruzhinji rwemunharaunda, vanhu vane chitsama vakangouna vachida kuona firimu remahara iri.

Mbuya Nenohwe

Kubatwa kwenyoka iyi kunotevera kufumurwa kunonzi kwakaitwa mabasa ehuroyi anoitwa nechembere iyi svondo rapera pamberi.

Kupumha munhu huroyi hakutenderwe pasi pemutemo muZimbabwe uye kana ukananga munhu huroyi, unofanirwa kunge uine huchapupu hwakanyatsozara.

Munyaya iyi, mumwe musikana ane makore 12 okuberekwa akaudza dare raMambo Mutambara kuti akaona shamwari yaMbuya Sithole inonzi Mbuya Savie Nenohwe, vachiyamwisa zinyoka iri apo vaitaura mazita evamwe vagari vemunharaunda yavo vachiudza chikara ichi kuti chinofanirwa “kuona zvekuita navo.”

Mushure mekunge musikana uyu ataurira Mbuya Sithole zvaakange aona uye vasina kutora matanho, akabva audza vamwe vagari vemudunhu iri.

Nyaya iyi yakasvitswa kwasabhuku wenzvimbo iyi, Mai Molline Nenohwe, avo vakazoipfuudza kwaMambo Mutambara.

Muzukuru waMbuya Sithole, Maria, akapa huchapupu zvakare mudare iri kuti anorara mumba mumwe chete munochengeterwa nyoka iyi.

“Ndinorara mumba makaonekwa Gogo Nenohwe vachiyamwisa nyoka iyi. 

“Nyoka iyi inogara mumba imomu. 

“Ndakazorega kushandisa imba iyi nekuda kwenyaya iyoyi uye tete vangu vakandikumbirisa kuti ndishandise imwe kamuri yemba. 

“Dzimwe nguva nyoka iyi inobuda mumba ichizambira mushana,” anodaro Maria.

Mambo Mutambara (kuruboshwe) vari padare nemamwe emakurukota avo

Madzimai Mukono vanotsinhira kuti ndivo vakabata nyoka iyi.

“Madzimai maviri aya pavakatora mushonga uyu, havana kuziva kuti vakapihwa nyoka nekuti dzaive tsotso nemunhu akavapinza munyaya dzekuroya. 

“Tsotso idzi dzakazosanduka kuita nyoka inoda mukaka neropa kubva kwavari ‘semuripo’ webasa rayo,” vanodaro.

Madzimai Mukono vanoenderera mberi vachiti, “Mushure mekubata nyoka iyi, yakasanduka ikaita chitanda izvo zvakaonekwa nemunhu wose aive padare raMambo Mutambara.”

Nyaya iyi ichiri mudare ramambo ava.

Mambo Mutambara vanotsinhira kuti nyoka iyi yakabatwa uye kuti yakazosanduka ikaita chitanda payakaunzwa kudare ravo.

“Chitanda ichi chichiri chakachengetedzwa naMadzimai Mukono. Hatidi kuti itize (nyoka), ndokusaka takati Madzimai Mukono vaichengete.

“Tichapisa zvakare machira nechuma zvaive zvakasungirirwa nyoka iyi. Pane machira zvakare akaonekwa ari muimba yaive nenyoka iyi, zvose zvichaparadzwa,” vanodaro Mambo Mutambara.

Mbuya Sithole naMbuya Nenohwe vose vakaramba kutaura neKwayedza pamusoro penyaya iyi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×