Tendai Gukutiwa
MURUME wekwaMutare wekupomerwa nevanasikana vake vana (4) kuti ane nyoka dzinoshinha navo pamadiro akazopotera kudare reko achitsvaga kudzivirirwa.
Raymond Tsoriyo akaenda kuMutare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira kubva kuvanasikana vake vanoti Mary, Shylet, Tambudzai naPerseverance Tsoriyo.
Tambudzai naPerseverane havana kupinda mudare sezvo vakanzi vari kunze kwenyika apo vanin’ina vavo, Mary naShylet vakanga varipo.
Mutongi Muzvare Notebulgar Muchineripi vakati Tsoriyo nevanasikana vake vadzoke mudare iri apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.
Tsoriyo akanga akamiririrwa negweta rake VaTawanda Kanengoni.
Mumagwaro akapirwa kudare iri, Tsoriyo anoti vanasikana vake vane katsika kekumutukirira nekumushungurudza.
Anokumbira dare kuti vana ava varegedze kumushanyira kumba kwake kuHospital Hill, maMutare mekare.
Vachipindura baba vavo, vaviri ava vanoti havasi kuvashungurudza, asi vakangozviita senzira yekuti vagadzirise nyaya yerushambwa rwuri kuvanetsa.

“Ndibaba vedu saka tingavanetserei? Hongu, tine kusanzwisisana kwatinako asi hatisi kuvarwisa. Tiri kuedza kuti tiumbe chinhu chimwe chete navo maringe nezvinhu zviri kutitambudza mumhuri.
“Nyaya iyi yakatomboenda kudare raMambo Marange nokudaro inofanira kudzorerwa ikoko kusvika zvinhu zvagadziriswa.
‘‘Mushure meizvovzo, tinenge tasununguka kuti izouya kuno,” anodaro Mary.
Vanasikana vaviri ava vakaburitsa gwaro rakanyorwa naMambo Marange apo vakuru munyaya dzechivanhu vakambokumbira kuti nyaya iyi imbomira kuendeswa kumatare makuru (civil court) kusvika ivo vapedza nayo kumatare avo.
Vanasikana ava vakanzi vape baba vavo tsamba iyi panguva iyo nyaya iyi yakanzi izodzoka kudare.
Vanasikana vekwaTsiriyo ava vari kupomera baba vavo kuti vane nyoka dzinoshinha navo.
Vanoti vanotoisa munyu muzvipfeko zvavo zvemukati kuitira kuti nyoka idzi dziregedze kuramba dzichishinha navo.
Vanasikana ava vanoti zvakare atova makore anodarika 40 baba vavo vachichengeta nyoka idzi.
“Nyoka idzi dziri kutishungurudza kusanganisira hanzvadzi yedu sezvo pasina chaanobata kunyangwe akashanda zvakasimba,” anodaro Mary.

Nguva pfupi yadarika, Tsoriyo anonzi akamiswa mudare raMambo Marange avo vakazodaidza n’anga inonzi Sekuru Chamunorwa Manyange kuti izobatsira mhuri iyi.
Zvisinei, Tsoriyo akaramba n’anga iyi achiti yaive yemanyepo.
Anopomera Sekuru Manyange mhosva yekuisa muchivande vhudzi rekusikarudzi yemunhu muvhu, mikombe yeropa, machira echivanhu, mavhunurwa enyoka nemimwe mishonga mumba mavo.
“Handina mhosva uye handizive kuti zvose izvi zviri kubva nekupi. Ndakaenda kudare kwaMambo Marange mushure mekunge ndadaidzwako. Ndakapinda mudare umu iri nzira yekuvaratidza kuti handina mhosva, ndiko kusaka ndakabvuma kuti n’anga iuye kumba kwangu kuzochenura musha. Asi, n’anga iyoyo yakabva yadyara zvinhu izvozvo mumba mangu,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Vana vangu vanofamba vachitaura kuti ndine nyoka mumba mangu asi pakauya n’anga yavo yemanyepo hapana chavakawana. Vava kutaura kuti amai vavo ndivo vakanga vadziviga.”
Tsoriyo anoshoropodza vana vake achiti ndivo vanofurira Sekuru Manyange (n’anga) kuti vavapumhe huroyi.




