Akawachiswa neaimbove mudzimai wake

Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuChitungwiza, wekunzi akafurirana neshamwari yake pamwe nehanzvadzi kubira aimbove murume wake midziyo yebasa inokosha US$1 245, akazozvidemba zvichitevera kumiswa kwavakaita mudare redzimhosva reko. Tatenda Yasini (22) neshamwari yake, Noleen Mwedziunashe (21), vose vanogara panhamba 2000 St Mary’s, vanonzi vakabira Petros Black (34) wepanhamba 2377 St Mary’s, midziyo iyi uye hapana chakaburwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Takundwa Mutetwa, akati vaviri ava vanofanira kudzoka kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

“Tange tichikumbirawo kuti todzorere mumhan’ari zvimwe zvezvinhu zvatakamubira, tapota tinokumbirawo kutongwa tichibva kunze,” akadaro Yasini apo aidedera nechando. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa16 Chikumi gore rino munguva dzeusiku, Yasini naMwedziunashe vakaronga nehanzvadzi dzake idzo dzisati dzabatwa vachibva vaenda kubasa kwaBlack uko vakasvikomurova kusvikira atiza. Mushure, vanonzi vakabva vaba midziyo yake yebasa yaisanganisira air compressor, bhokisi rematurusi, zvipanera, matayi emota 50 nemachubhu acho zvose zvaikosha US$1 245.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *