255m vakarasikirwa nemabasa: ILO 

Tandayi Motsi  

SANGANO rinoona nezvevashandi pasi rose reInternational Labour Organization (ILO) rinoti vashandi vanosvika 255 miriyoni vakarasikirwa nemabasa gore rapera zvichitevera kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19.

   Vachitaura svondo rapera vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland pakuparurwa kwemusangano weInternational Labour Conference – uyo uri kuitwa kuburikidza nedandemutande kwemasvondo maviri – director general weILO,   VaGuy Ryder, vanoti denda iri rakonzera matambudziko makukutu kuvashandi uye panodiwa mushandirapamwe mukuagadzirisa pasi rose.

    “Matambudziko akonzerwa nechirwere ichi anodarika akakonzerwa nekusamira zvakanaka muchikamu chezvemari pasi rose mugore ra2008 kusvika 2009 kakapetwa kana. Vanhu vaishanda mabasa akati kwesere 255 miriyoni vakarasikirwa nemabasa gore rapera nekuda kwedenda iri, zvakaitawo kuti vashandi varasikirwe nemari yemuhoro inosvika US$3,7 tririyoni,” vanodaro VaRyder.

  Vanoenderera mberi vachiti, “Vashandi 180 miriyoni vakapinzwa muhurombo uye vakanyanya kukanganiswa ndevechidiki, vanhukadzi nevanoita mabasa ekuzvishandira. Chirwere ichi chataridzawo misiyano mukuru uripo panyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pedu.”

   Vanoti Covid-19 yaita zvakare kuti pave nemukaha wakakura pakati penyika dzakabudirira nedzichiri kusimukira.

   VaRyder vanoti nharaunda dzose dzakarasikirwa panyaya dzeutano nekusimukira kwehupfumi asi pari zvino pave nekudzoreredzwa kwemamiriro ezvinhu kunyika dzakabudirira idzo dziri kuwana mishonga yemajekiseni yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

    “Asi kunyika dzichakasaririra munyaya dzebudiriro nedzimwe dzichiri kusimukira, mamiriro ezvinhu haasati aringana. Nyaya iripo ndeyekuti kusaenzaniswa kwemikana panyaya yekuwanikwa kwemishonga yemajekiseni iyi uye kusiyana kwemasimba munyaya dzehupfumi kuchaita kuti parambe paine mukaha mukuru kunze kwekunge patorwa matanho ekugadzirisa mamiriro ezvinhu aya,” vanodaro.

VaRyder vanoti chirwere cheCovid-19 chazengezana pasi rose nekudaro chinoda mushandirapamwe kuchirwisa.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×