Vechidiki vobatsirwa

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Youth Council (ZYC) rinoti rakanyoresa makambani anosvika 1 800 munyika yose ayo achange achitungamirirwa nevechidiki sedanho rekuona kuti vawaniswa mabasa, zvikuru munguva ino apo nyika yakatarisana nedenda reCovid-19.

VaBrain Nyagwande, avo vakafanobata chigaro chemukuru weZYC, vanoti zvakakosha kusimudzira raramo yevechidiki sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

“Kana tichitaura kuti vechidiki tinoreva vanhu vane makore anobvira pa15 kusvika 35 ekuberekwa. Munguva ino yeCovid-19, vana vechikoro kunyanya vakavhiringwa zvikuru nekuda kweCovid-19 apo vakanga vasiri kuwana zvidzidzo nezvimwe zvakakwana, nekudaro vamwe vakapedzisira votora zvinodhaka kana kuswera vachitamba. Tinoda kuti vechidiki vawane zvekuita muupenyu nekuti ndivo hwaro hwebudiriro yenyika,” vanodaro.

VaNyagwande vanotenda rutsigirwo rwavanowaniswa neHurumende apo inokoshesa kodzero dzevechidiki zvichifambirana nechikamu cheSection 20 chebumbiro remutemo wenyika.

“Cde (President) Mnangagwa vane chido chekusimudzira nyika kuburikidza nevechidiki vanova vakabata ramangwana. Sangano reZYC riripo kusimudzira vechidiki uye ndiro rinotaura nhunha dzavo dzichiendeswa kumapazi akasiyana eHurumende kuti dzigadziriswe.

“Pari zvino takanyoresa makambani 1 800 kuti vechidiki vawane mabasa akati tsvetere,” vanodaro.

Pasi pechirongwa cheNational Youth Policy of Zimbabwe, Hurumende ine chinangwa chekusimudzira vechidiki kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveNational Development Agenda mugore ra2030.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×