$450 ichiri muguva

MARI iya inokwana US$450 inonzi yakaenda muvhu iri mupiro yakavigwa nayo chitunha kwaNenguwo, kuMarondera ichiripo pasi pevhu zvichitevera kusawirirana kwehama dzemufi nashe weko nemapurisa pakuti guva iri rifukunurwe kuti vaitore.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda muKwayedza masvondo maviri adarika, yemutumbi waMusekiwa Masukwedza Dengu, wemasabhuku Chikukutu, uyo wakavigwa nemari iyi nekusaziva. Mari iyi inonzi yaiva yasonererwa mupiro nemudzimai wemushakabvu, Mai Slyvia Dengu (45) senzira yekuichengetedza.

Mushure mechiitiko ichi, vemhuri yekwaDengu vakaronga kufukunura guva iri asi zvakarambwa naIshe Nenguwo, VaCephas Chagaresango (71).

Mai Dengu svondo rino vakati hapana chati chasanduka panyaya iyi, $450 ichiri muguva.

Vachitaura panhare, vakati: “Hapana zvakazombosanduka sezvo guva iri risina kuzobvumidzwa kuti rifukunurwe, kureva kuti mari iyi yava kurovera zvayo muguva umu. Kubva ipo paye ishe havana kuzomboonekwa kechipiri sezvo zvavakataura zvirizvo zvakatevedzwa.

“Hakuna zvazvo zvakazoitika kuguva uku zvekuti kucherwa kana nematsotsi, guva rakanaka richakabatana.”

Mapurisa akati kuti guva rifukunurwe kunofanirwa kunyorwa tsamba kubazi rezvemukati menyika koonekwa kuti zvinokodzera here kuti izvi zviitwe.

Panga paine kutyirwa kuti matsotsi achagona kunofukunura guva iri vachida kutora mari iyi.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×