Mubhedha wechikwereti wamuparira

Orpah Mukotekwa
NYAKUNAKIRWA nekurara pamubhedha wakatengwa nechikwereti akazochechuka ave mudare apo munhu akamutengesera akange ave kuda mari yake yose.

Sharon Mahanzu akamhan’arira Vengesai Matimba kuHarare Civil Court achida mari yake yaakatengesa mubhedha.

“Changamire, baba ava vari kutonakirwa nemutefe-tefe wemubhedha wavakatenga kwandiri vachikanganwa kuti unoda kupedza kubhadharwa. Ndanzwa nekupihwa mazuva anosvika achidarika vasingandipi mari yangu zvinova zvinhu zvava kundishungurudza. Ndakavatengesera mubhedha gore rapera tikawirirana kuti vaizobhadhara mari yangu mumwedzi miviri. Chakandishamisa ndechekuti kubvira ipapo ndikaenda kubasa kwavo ndichida mari iyi vave kutondipindura ‘rough’.

“Mukanwa mababa ava makawora. Kundiudza kuti enda kwaunoda unomhan’ara handife ndakakupa mari iyoyo? Ini ndinenge ndakatotarisirawo kuti munhu andiudze kuti ndaomerwa kana akundikana asi anototaura zvaanoda,” akadaro Mahanzu

Matimba akapikisa Mahanzu achiti:

“Zvose zvataurwa naamai ava manyepo. Handina kumboramba kuvapa mari yavo asi kungoti izvozvi zvinhu zvakandiomera. Handisisiri kusevenza saka kwekuwana mari chaiko handina. Ndaitofunga kuti ndichabhadhara asi ndakaomerwa. Vakandibatsira kutengawo mubhedha sezvo ndakanga ndisina asi zvekuzoti ndakaramba kuvapa mari yavo manyepo.

“Ndaikumbirisa kuti mundibvumidze kuti ndimbotsvaga mari iyi kana mwedzi wapera ndogozovapa.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Matimba anofanira kubhara mari iyi yose yakakwana mwedzi waMbudzi uchingopera.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×