$500 weti yemukadzi ane mimba

Sukoluhle Ndhlovu
PANE mukadzi akaigochera pautsi apo akarikitwa kurohwa nechaunga chevanhu kuGokwe mushure mekunge akumbira mumwe mudzimai ane mimba kuti anoda kutenga weti yake ne$500.

Zvinofungidzirwa kuti mukadzi uyu anoshandisa weti yevakadzi vakazvitakura kuita mari nekuromba.

Catherine Sadomba anonzi akaenda kuna Sarudzai Kachena, uyo akazvitakura uye anoita zvekutengesa majuice card enhare pamusika wemabhazi paGokwe Centre, ndokumukumbira kuti amutengesere weti yake kuti anoishandisa zvemishonga.

Peacemore Ndlovu, mumwe wevakaona mashura aya, anoti Sadomba akadzika bhazi raibva kuSouth Africa ndokunotanga kutaura naKachena.

“Akadzika bhazi raibva kuSouth Africa achibva ananga pana Kachena uyo ane pamuviri ndokukumbira weti yake achiti anomupa $500 panove pavakabva vaburana.

“Kachena akagumburwa nezvakaitwa nemukadzi uyu achimuti anoda kumuuraya pamwe nemwana wake ari mudumbu. Madzimai maviri aya akatukirirana izvo zvakaita kuti vamwe vanhu vaungane,” anodaro Ndlovu.

Pasina nguva, Sadomba akabva atanga kurikitwa nemhomho yevanhu mushure mekunge vaziva kuti aida kutenga weti.

“Sadomba akazonunurwa nemagadhi maviri anoshandira pamusika wemabhazi uyu, avo vakazoenda naye,” anodaro Ndlovu.

Kachena anoti Sadomba anoroya bedzi.

“Anoroya chete, anoda kushandisa weti yangu kuita mari. Zvakamboitika kupi kuti munhu anokumbira weti yemunhu ane mimba, omubhadhara mari yakawanda kudaro?

“Vanhu vakadai vanofanira kudzidziswa chidzidzo chekuti havasi vose vanhu vanokara mari. Hongu, ndinoda hangu mari, asi handife ndakaita mari nenzira dzakaipa kudaro. Ngaachengete mari yake,” anodaro Kachena.

Bepanhau redu reB-Metro harina kukwanisa kutaura naSadomba sezvo achinzi akabva atiza kuenda kuSouth Africa. — B-Metro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×