“HUNDI KWANDIRI” naPeldah Hove (55-64)
Ongororo (Enderero mberi)
Kubva mune zvinoitika munyaya iyi, Netsai ihundi yemunhu. Izvi zvinooneka nezvinorehwa nemitsetse iyi.
(i) “Vakadzi rudzi rwakatukwa” (57)
(ii) “Kunyange zvake asina icho akasumwa” (62)
(iii) “Ko iye kusaudzwa? (62)
(iv) Mukadzi anotsvaga mari yaainzi sanyakutumbura achazosvitswa asi, “pfimbi yasiiwa dai yaivemo zvainge nane Netsai akakudubura-kudubura pese pavaisimboisa mari misi miuya dakara aneta akaenda kunorara” (62).
(v) “Ko, nyangwe iri dhemeji, amai vasingazivi?” (63).
(vi) Netsai “Aingoita manomano okunonoka achizeza kutsveruka pavakuwasha vaasina kusumwa” (63).
(vii) “Kubva atadza nokuudzwa shoko bedzi?” (64).
Munyori anobva azopedzisa nyaya yake achiti, “Pamwe ndiyo yaive nzira yevakadzi. Rushambwa rwamadzimai rwokunga hundi varume vachidoda tsanga” (64).
Munyaya iyi Netsai anosairirwa kwakadaro uku kunge bepa retishu rakashandiswa.
Anotukwa nekutsvinyirwa nemurume achipomerwa mhosva yekuti ndiye asina kugona karayira Tambu. Pamusoro pezvo anorakashwa nemboma murume nehama dzake kwava kuronga zvekuroorwa kwaTambu kana kumboudzwawo (consulting) amai vakatakura nhumbu kwemwedzi mipfumbamwe, vakagomera pakumutumbura. Ndosaka Netsai achizozadzwa neshungu achiti, “Tsanga kunewe, changu hundi. Asi ziva kuti pandicharara pachabaka chimoto” (64).
Chokwadi ndiro dingindira rerushambwa rwemadzimai achimirirwa naNetsai rwekusaonekwawo sevanhu kunyangwe kudai vakatambudzika zvakadini kuti zvinhu zvive zvazviri. Izvi zvinopfupikiswa nemitsetse inotevera. “Netsai akachema akayaura, akapfugama pamuteuro mabvi akabvuma.
Shaya dzakaputana seuya aizora mafuta okusandura ganda akazomashaya. Gadzi rakazunzika, kukoromoka, kusvepuka kunge mutenda wemukondombera.” (63).
Enzaniso dzinoshandiswa mumitsetse iri pamusoro dzinobatsira kuti tione kutambudzika kukuru uku. Dzimwe enzaniso tinodziona mukanyaya aka.
Gwisai anzwa nezvainge zvaitwa nemwanasikana wake anoshatirwa chaizvo izvo zvinonzi rume rakanzwikwa kufema “sedhonza mujoki” (55) achibva atarisa mukadzi “seaida mhinduro yezvaaive ataura” (55) iye mudzimai ndokundandama achirova gusvi “seanotaudza mukuwasha” (55).
Apa mudzimai anoti “Nhai Museyamwa . . .” izvi zvinosembura Gwisai uyo anomira akapima “sechando” (56).
Anotuka mukadzi achiti romo rake “rwunenge shure kweimbwa zvere” (57). Iye anoshanda nesimba asingazivi kuti huhora uku muripo wedikita “ratinonuna setakasasikwa” (57) iye Netsai achiona zvake mari yakaita nyore kutukura “senhaka yomushana inova kuna Nyadenga” (57). Netsai anozadzwa nekutya “sembeva yadzimirwa mwezha wayo” (58).
Kudoti mukadzi ati makore ese aya atagara tose anopindurwa achiti makore ekumabatira musaga “sekiti” (59) achimutuka achiti ipfambi achizamurira “kunge mukuwasha paruware rwaambuya” (59).
Netsai ati vhorokosho pasi mumaropa, murume anombofamba-famba achikwenya-kwenya musoro “souya anofunga mhinduro muzamanishoni” (59). Anotuka mudzimai achiti dai akajekesawo pfungwa semamwe madzimai anosevenza haaiita “sechembere yedhongi kudai” (60).
Pakupota kunoita murume nemadziro anotinhidzwa atinhidzwazve ziya rake rikateuka “serehurudza iri kupaza churu” (60). Mukadzi arohwa anozoboidzika-boidzika “kunge murwere wetsviyo” (60). Panosvika babamukuru Mandeya anonzwa muridzo muimba yedandaro hana yake ikatibvura “kunge achadonhedza zvimuriwo izvo aive abva kunotenga kumusika” (61).
(Enderero mberi svondo rinotevera.)




