“CHIRAMU” naKeresia Chateuka (31-36)
Mudzimai uyu akazonzwa kuti Nyaradzo ainge azviuraya achiedza kubvisa nhumbu yababamukuru. Baba vaChamu havana kubuda pachena asi vakarwadziwa. Nerimwe zuva anoburana nemurume wake ndokubva amuudza kuti haasi Nyaradzo waakanga ajaira apo murume uyu ainge anyora tsamba kune mumwe munin’na wake wekwamainini achiti anomuda, musikana wacho ndokupindura tsamba yacho kwaari achipopota kuti achengetedze murume wake.
Audzwa meno amire, murume anozotsvaga matandanyadzi achiti ainge achitotamba nomuramu. Iyi nyaya yakataurwa nemudzimai uyu kuna sahwira wake.
ONGORORO:
Chokwadi chiramu kana chosvika pachinhanho chekuti munin’ina anodanana nemurume wemukoma wake, zvinhu zvinenge zvisisina kumira zvakana. Nyaya iyi inobatsira kutsanangura dingindira rinorehwa netsumo iya inoti, “Rina manyanga hariputirwe nemushunje”. Zviito zvababa vaChamu naNyaradzo zvinohwandiswa asi zvinogumisira zvazivikanwa nemudzimai wacho.
Kudimikira ndikwo kwatinoona kwanzi shandiswei. Vamwene vemudzima pavanosvika pamba anoti zvakana, ndawana munhu achanyatsa kundienzanisiranyaya iyi agopa mutongo kwawo izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Ndakati zvanaka ndawana mutongi gava wokuchemera” (33).
Mudzimai uyu apo anoona kuti vamwene vake naNyaradzo vane rimwero anobva aona kuti ainge akamirira pasina zviripo izvo anoti, “Ndakango ndarindira dhongi rakaora” (33).
Apo anoenda kuMufakose anoda kumbonyangira baba vaChamu naNyaradzo agoona kuti vari kuitei izvo anoti “. . . ndinoda kumbonyangira shiri dzangu” (34). Asi ainge asingadi kudzichenjedza kana kuti “haadi kudzibhurutsa” (34).
Abva kuMufakose, ane zvaava kuziva zvekuti baba vaChamu naNyaradzo vaigaroita zvavaiita mazuva ose kana kuti, “ndiyo ngoma yairidzwa mazuva ose” (34).
Apo anotaurira vabereki vake zviri kutora nzvimbo, baba vake vanoenda kunotora Nyaradzo kubva kuHarare kuti auye kumusha asi baba vaChamu havafari neizvi nekuti musikana wavo ainge atorwa kana kuti “ndakanga ndabhururtsa kashiri kavo” (35).
Amai pavanonyora tsamba vanoti vakazvionera vega nemaziso avo pasina aita zvekuvataurira izvo vanoti, “Ndakazvionera pamhino sefodya” (35) kuti Nyaradzo raive benzi remwana.
Tsika yababa vaChamu yokuti vakaona munhukadzi voti naye tenda vachisiya mudzimai wavo inodimikirwa nemumwe munin’ina wekwamainini vemudzimai uyu apo anoti, “. . . sisi batai imbwa yenyu isangohukurira wose wose wayaona’ (36).
Musi uyu vakapopotera murume kumusvitsa kutsima chaiko achiti, “. . . musi uyu ndakamuudza nzeve dzikazara” (36).
Enzaniso tinodziona shomanini chaizvo yekutanga apo mudzimai uyu anoedza kutaurira murume wake zvainge zvataurwa naNyaradzo asi mhinduro yaanopiwa inomutyora mabvi. Tinonzwa achiti pamwoyo pake pakaita “sepakanga pagara zibwe guru guru” (33).
Apo anoenda kuMufakose ndokuona zvaainge ataurirwa nemuzukuru akanzwa kudzimbirwa chaizvo akazarirwa “zvekunge ndichatadza kufema” (34).
“BEDZAPFUMA” naPeldah Hove (37-42).
Mukadzi ari kupopotera murume wake, baba vaShupikai nepamusaka pekusava nehubaba hwemandorokwati uyewo nenyaya yaakoromora yekupa nhumbu kasikana kari mugeredhi yechinomwe iye ari munhu waSubstantive Head chinzvimbo chakakwirira kwazvo. Murume uyu, Zariro Marozva, akapara mhosva dzakawanda dziri maererano nevakadzi.
(Enderero mberi svondo rinotevera.)




