“BEDZA PFUMA” naPeldah Hove (37-42)
ONGORORO: Enderero mberi:
Kumeso kwemurume uku, haikona kutaura kuhwinya nenyadzi ikoko, iro rume raisizivikanwa nenyaya yekuda vanhukadzi izvo zvinonzi rume guru rakamera ushamwari nebonde “kunge muzvinamimba ari kutyirwa kuputsa” ikwo kudya uku achiita zvekurapira “somutenda” (39).
Mukadzi anoona kuti akaramba achiregerera murume anobva aenderera mberi “sedenda rekorera” (39), munhu anokundwa nemuchiuno “semhuka yesango”? (39)
Mukadzi anotuka murume achiti huchangamire hwekuve (substantive head Grade 1) hwainge huchimuvhaidza huchanyangarika “somudyandigere wemunhu azvisunga negasho” (40). Mukadzi aisiiwa nemurume akadaro achipanga bonde achirara akafenengara “kunge mupositori kumasowe” (40).
Dai murume aigona kugadzirika sechubhu, “dai wangova zvigamba bedzi” (40). Mukadzi apo akabvunza murume nezvekurara kwake nemusevenzi wavo, akarikitwa akapedza svondo rose ziso “richinge nyama tsvuku” (41). Amai vemurume pakaitika nyaya iyi, vari mumba mavo vainge vakangoti kunguma “sechitunha” (42), BP yavo yakwira zvakaipa.
Kudimikira tinokuona kurimowo kuchiburitsa nhunha dzavaviri ava. Mudzimai anosvika pakuona kuti ugari hwavo hwave dambe chairo, hwava hwemangamanga saka achidimikira achiti, “Ndiko kunonzi kutungana kwembudzi uku” (37).
Paanenge achinonotwa nemukadzi murume anove “iyo handira yakangoti konon’ono pasi” (37). Paanotsanangura zvigaro zvemumba umu zvinoti kusetsa zvikati kusuwisa apo mudzimai anoti, “Angove mariva okuti ukangowiramo unotosiyamo matembe” (38).
Fungai aona kuti zvepamba apa haachazvigoni, afunga zvekunanga kumunyai wake, VaTazviona nekuti “jira repano paMavhiya rakurisa” (38). Ukama pakati pemurume nemukadzi hausisina kusimba, nekuti nde”hwokubatanidza nekapepa” (38). Murume paanodonongorerwa zvakaipa zvaakaita, mwoyo wake unorwadziwa chaizvo kana kuti “mwoyo waZariro wakamera mamota” (39).
Mwoyo wemukadzi uri kuratidza kurwadziwa kukuru apo anoti murume paainakirwa kana kuti “pamaiburisa marimba nekasweet sixteen kako” (40) akambomushevedzera rutsigiro rwake here. Murume anosvikira pakupfikura, mukadzi anoona kuti changamire varwadziwa kana kuti akabva aona kuti “zvaiva zvadzimba ngwarati” (40). Anobva aona kuti zviya zvinonzi varume vakashinga kunongove kutaura chete kana kuti “ndezvekuponda nyoka dzinozvifambira zvadzo” (40).
Murume aimbokanganwa kuti avete nemukadzi wake izvo mukadzi anoti, “Zvawairara bhandi rakadya hudyu” (41). Tinomboendeswa mukuverenga kwatinoita kumba kwaamai vaMarozva tozodzorerwa kumba kwake uko zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka izvo zvinonzi “kumba kwaMarozva hakwaidyiwa rinopisa” (42).
“HONYE YEMUNHU” (naBarbara Makalisa) (43-54)
Nyaya yekuda mari iyi inoparira zvakawanda. Nyaya iyi inoti kusetsa, ikati kusuwisa panguva imwe chete. Mzamo anotaurirwa nemumwe wake Muganda kuti kana achida mari inokwana kuita mazana mashanu emadhora ($500) anofanira kuchata nemumwe mukadzi asiri wemunyika ino kuti agone kugara munyika ino. Haagoni kuchata nemurume anobva kunyika yake nekuti haaizobvumidzwa kugara munyika ino.
Zvinomboti netsei Mzamo nekuti nechekuno ane mukadzi wake amai vaSipane vari kumusha, zvikwereti ane murwi wazvo, ane zvaanoda kushandisa iyi mari asi anomboita nhetemwa dzekugamuchira basa iri. Muganda anomunyengetedza kuti atore basa iri iye ndokuzobvuma kuriita.
Musi wemuchato Mzamo anomuka ari munhu anonzwisa tsitsi nekuti ari kurwadziwa nezino.
Anopihwa mari yekukwirisa bhazi kuenda kwachiremba. Musi uyu anotadza kuzvibvuma kuti ndiye here uyu akany’ura musutu ine ruvara rwemakore neshangu nemasokisi zvinonyatsopindirana naye, hembe netayi yacho zvine mavara anobwinya.
Mwenga wacho parutivi pake ainge akachena zvinonwisa mvura.
Pamuchato apa pane zvapupu zviviri, zvitsidzo zvinotauriranwa vakabvuma vese.
(Enderero mberi svondo rinouya.)



