Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti mutumbi uyu wakawanikwa nomusi wa20 Gunyana pakati pousiku.
“Tine mutumbi wemurume. Zvinofungidzirwa kuti murume uyu akatsikwa nemotokari ikatiza uye wakawanikwa panosangana migwagwa inoti Elly naAssex, kuFitchlea, kuKwekwe,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti murume uyu haana kuzivikanwa zita rake kana kwaanobva.
“Nokudaro, semapurisa, tiri kukumbira kune vanoziva nezvemurume uyu kuti vazivise mapurisa zvakaitika nekwaanobva nezvimwe zvose kuti mutumbi uyu uwane hama,” vanodaro Insp Mahoko.
Zvakadai, mutumbi wemurume uyu wakaendeswa kumochari yechipatara cheKwekwe, uko wakamirira kuongororwa navanachiremba. Kune vari kushaya hama yavo yechirume tinovakurudzira kuti vamhanye kumapurisa ari pedyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.




